“Iwe Bheterehemu wokwaEfurata, kunyange uri muduku zvako, mukati memadzinza okwaJudha, mauri iwe muchabuda mutongi wangu, achatonga Isiraeri, dzinde rokwaakabva nderakare kare rapasichigare chaipo.” Naizvozvo achambovaregera vakadaro kwechinguva kusvikira ane pamuviri pari kurwadza asununguka. Ipapo dzimwe hama dzake dzose ndopadzichadzokera kuvanhu veIsiraeri. Mwana iyeyo ndiye achatozomira chaizvo achifudza danga rake rezvipfuwo aine simba raTenzi, aine chiremera chezita raTenzi Mwari wake uye vachanyatsogara zvakanaka nokuti ukuru hwake huchasvika kwakaperera nyika. Iyeyu ndiye achatozovawanisa rugare.
Verenga chikamu Mika 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mika 5:2-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo