Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 8:23-34

Mateu 8:23-34 SCLB

Jesu paakapinda mugwa, vadzidzi vake vakamutevera. Hero dutu guru remhepo rakamuka mugungwa zvokuti igwa rakanga rava kuda kunyudzwa namasaisai, asi Jesu akanga akakotsira zvake. Vadzidzi vakaenda kwaari vakamumutsa vachiti, “Tenzi tiponesei tavakupera.” Jesu akati kwavari, “Ko munotyireiko mukadaro? Inga muri vanhu vechitendero chidiki!” Akabva asimuka akatsiura dutu riya negungwa kukabva kwanyatsoti dzikadzika kunyarara. Vanhu vakashamiswa vakati, “Munhu uyu, munhu rudzii uyu, anototeererwa kunyange nemhepo negungwa?” Paakasvika kumhiri kuya, kunyika yavaGadhara. Akasangana navarume vaviri vaiva nemweya yakaipa vachibva mumakuva. Vaityisa zvikuru zvokuti hapana munhu aikwanisa kupfuura nenzira iyoyo. Vakabva vazhamba vachiti, “Unei nesu, Mwanakomana waMwari. Wauya kuzotirwadzisa here nguva isati yasvika.” Zvino pakanga pane danga renguruve dzakawanda dzakanga dzichifura zvadzo dziri chinhambwe navo. Mweya yakaipa iya yakamukumbira kuti kana watidzinga, tidzingire mudanga renguruve. Jesu akati, “Endai.” Saizvozvo yakabuda ikandopinda munguruve dziya. Hero danga rose renguruve rakati ware kumhanya. Rakateremuka napamawere echikomo ichocho ndiye mugungwa rororo. Vafudzi vakati ware kutiza. Pavakandopinda muguta vakataura zvose nezvakanga zvaitika kuna vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. Hero guta rose rakabuda kundosangana naJesu. Pavakamuona vakamukumbira kuti abve zvake munharaunda yavo.

Verenga chikamu Mateu 8