Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 8:18-34

Mateu 8:18-34 SCLB

Jesu, paakaona gungano guru ravanhu vakanga vamuunganira akati, ngatiyambukei mhiri. Imwe nyanzvi yomutemo yakauya ikati kwaari, “Mudzidzisi ini ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru, shiri dzedenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana pokutsamira musoro wake.” Mumwewo akanga ari mudzidzi wake, akati kwaari, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.” Jesu paakapinda mugwa, vadzidzi vake vakamutevera. Hero dutu guru remhepo rakamuka mugungwa zvokuti igwa rakanga rava kuda kunyudzwa namasaisai, asi Jesu akanga akakotsira zvake. Vadzidzi vakaenda kwaari vakamumutsa vachiti, “Tenzi tiponesei tavakupera.” Jesu akati kwavari, “Ko munotyireiko mukadaro? Inga muri vanhu vechitendero chidiki!” Akabva asimuka akatsiura dutu riya negungwa kukabva kwanyatsoti dzikadzika kunyarara. Vanhu vakashamiswa vakati, “Munhu uyu, munhu rudzii uyu, anototeererwa kunyange nemhepo negungwa?” Paakasvika kumhiri kuya, kunyika yavaGadhara. Akasangana navarume vaviri vaiva nemweya yakaipa vachibva mumakuva. Vaityisa zvikuru zvokuti hapana munhu aikwanisa kupfuura nenzira iyoyo. Vakabva vazhamba vachiti, “Unei nesu, Mwanakomana waMwari. Wauya kuzotirwadzisa here nguva isati yasvika.” Zvino pakanga pane danga renguruve dzakawanda dzakanga dzichifura zvadzo dziri chinhambwe navo. Mweya yakaipa iya yakamukumbira kuti kana watidzinga, tidzingire mudanga renguruve. Jesu akati, “Endai.” Saizvozvo yakabuda ikandopinda munguruve dziya. Hero danga rose renguruve rakati ware kumhanya. Rakateremuka napamawere echikomo ichocho ndiye mugungwa rororo. Vafudzi vakati ware kutiza. Pavakandopinda muguta vakataura zvose nezvakanga zvaitika kuna vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. Hero guta rose rakabuda kundosangana naJesu. Pavakamuona vakamukumbira kuti abve zvake munharaunda yavo.

Verenga chikamu Mateu 8