Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 8:18-34

Mateu 8:18-34 SNA2002

Jesu, akati achiona vanhu vazhinji vakamukomba, akaraira kuti vayambukire mhiri. Zvino mumwe munyori akauya akati kwaari, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana mawena, neshiri dzokudenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Mumwe wavadzidzi akati kwaari, “Ishe, nditenderei henyu, ndimbondoviga baba vangu.” Asi Jesu wakati kwaari, “Nditevere; rega vakafa vavige vakafa vavo.” Akati apinda muigwa, vadzidzi vake vakamutevera. Ipapo dutu guru rikamuka mugungwa, nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu; asi iye akanga avete. Zvino vadzidzi vake vakauya, vakamumutsa, vakati, “Ishe, tiponesei, tofa!” Akati kwavari, “Munotyireiko, imi vokutenda kushoma?” Zvino akamuka, akaraira dutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo. Vanhu vakashamiswa, vakati, “Uyu munhu kunyi, zvaanotererwa nedutu negungwa?” Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasangana naye, vachibva kumakuva; vakanga vane hasha kwazvo kwazvo, naizvozvo kwakanga kusina munhu aigona kupfuura nenzira iyoyo, Zvino vakadanidzira, vachiti, “Tinemhaka yeiko nemi, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotitambudza, nguva isati yasvika here?” Kwakanga kune boka guru renguruve dzakanga dzichifura kure navo. Mweya yakaipa ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti, “Kana muchitibudisa, mutitumire kuboka renguruve.” Akati kwairi, “Endai.” Ikabuda, ikapinda munguruve; boka rose rikamhanyira kumawere kugungwa, dzikafira mumvura. Ipapo vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakataura zvose, nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa. Zvino guta rose rikabuda kundosangana naJesu; vakati vachimuona, vakakumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.

Verenga chikamu Mateu 8