Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 8:1-13

Mateu 8:1-13 SCLB

Jesu paakaburuka mugomo muya, vanhu vazhinji zhinji vakamutevera. Hoyo mumwe munhu akanga ana maperembudzi akauya kwaari akasvikopfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, kana muchida zvenyu, munokwanisa kundiporesa muchindichenura.” Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, achiti, “Ndinoda, natswa uchenurwe hako.” Pakarepo akabva anatswa maperembudzi ake. Jesu akati kwaari, “Usawane waunotaurira. Asi enda undozviratidza kumupristi upire chipo chakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu chako kuvanhu.” Paakapinda muKapenaumu, mumwe mukuru wezana ramasoja akauya kwaari achimuteterera achiti, “Tenzi muranda wangu arere kumba; mitezo yake yatonhora uye ari kurwadziwa zvakanyanya.” Jesu akati kwaari, “Ndichauya ndizomurapa.” Asi mutungamiri wezana uya akamupindura achiti, “Tenzi handikodzeri kuti mupinde mumba mangu, ingotaurai zvenyu izwi chete, muranda wangu achapora. Ini ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo ari pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, ‘Enda,’ achienda uye kune mumwe, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ achichiita.” Jesu paakamunzwa akashamiswa. Akati kuna vaimutevera, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handina kumboona chitendero chakadai. Ndinokuudzai kuti vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero vachizogara pakudya naAbhurahamu naIsaki naJakobho muumambo hwedenga, vana voumambo vachikandwa kurima rokunze. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.” Jesu akati kumutungamiri wezana, “Chienda zvako ngazviitike sokutenda kwako.” Muranda uya akabva apora panguva iyoyo.

Verenga chikamu Mateu 8

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateu 8:1-13