“Ngwarirai kuti murege kuita zvokushamisira pamberi pavanhu kuti vakuonei mukuita kwenyu kwakarurama. Nokuti mukadaro hamuzowana mubayiro unobva kuna Baba venyu vari kudenga. “Nezvo kana mopa zvipo musaridze hwamanda sezvinoita vanyengedzi mumasinagogu; nomumigwagwa kuti varumbidzwe navanhu. Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, vakatowana mubayiro wavo kare. Asi kana mopa zvipo, ruoko rwenyu rworuboshe ngarurege kuziva zviri kuitwa norudyi kuti kupa kwenyu zvipo kuve kwomuchivande, kuti Baba venyu vanoona muchivande vagokupai mubayiro. “Kana mava kunamata regai kuita savanyengedzi. Vanoda kumira vachinamata mumasinagogu napamharadzano dzenzira vachiitira kuti vaonekwe navanhu. Chokwadi–chokwadi ndinoti kwamuri vakatowana mubayiro wavo kare. Asi kana iwe wava kunamata, pinda mumba mako uzarire gonhi rako unamate kuna Baba vako vari muchivande. Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande, vachakupa mubayiro. “Asi imi kana mava kunamata regai kuzavaza sezvinoita vechirudzi nokuti vanofunga kuti vanonzwika nokuda kokuwanda kwamazwi avo. Musafanane navo, nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda musati mavakumbira. Nezvo namatai sezvizvi muchiti: ‘Baba vedu muri kudenga zita renyu ngariereswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva nezuva. Tiregerereiwo zvitadzo zvedu, sokuregerera kwatinoita vanotitadzira Musatirege tichipinda muchiedzo. Asi tinunureiwo kune zvakaipa.’ Nokuti umambo ndowenyu, nesimba nembiri, narini narini. Ameni. “Kana mukaregerera vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyu vokudenga vanokuregereraiwo zvikanganiso zvenyu. Kana musingaregereri vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyuwo havakuregererei zvikanganiso zvenyu. “Kana motsanya musasuruvarise uso sezvinoita vanyengedzi nokuti vanounyanisa kumeso kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri vatogamuchira mubayiro wavo. “Asi kana imi motsanya, zorai musoro mafuta, mushambe uso hwenyu; kuti kutsanya kwenyu kurege kuonekwa navanhu; asi kuti kuonekwe naBaba venyu vari muchivande. Ivo Baba venyu vanoona muchivande vachakupai mubayiro.
Verenga chikamu Mateu 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 6:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo