“Makanzwa kuti zvakanzi ziso rinofanira kutsiviwa neziso zino richitsiviwa nezino. Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Usadzivise wakaipa.’ Kana munhu akakurova mbama padama rorudyi mutendeudzire rimwezve. Kana munhu achida kukukwirira dare achida kukutorera bhatye rako ibva wamupa nejasi rako. Kana munhu akakumanikidza kuti umuperekedze kiromita imwechete, muperekedze kwamakiromita maviri. Munhu anokukumbira, mupe. Usanyime uyo anoda kukukwereta.
Verenga chikamu Mateu 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 5:38-42
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo