“Regai kumbofunga zvenyu kuti ndakauya kuzoparadza mutemo kana vaporofita. Handina kuuya kuzozviparadza, asi kuzozvizadzisa. Nokuti ndinokutaurirai zvechokwadi chaizvo kuti denga napasi zvingapfuure zvazvo asi hapana kana kabhii kana kaga zvako komutemo kachabviswa mumutemo kusvikira zvose zvaitika. Nezvo ani naani anotyora mumwe wemitemo iyi achidzidzisa vanhu kudaro achanzi mudiki muumambo hwedenga. Asi uyo anoichengeta achiidzidzisa achanzi mukuru muumambo hwedenga. “Nokuti ndinokutaurirai kuti kana ururami hwenyu hukasadarika ururami hwenyanzvi dzomutemo navaFarisei hamumbopinda muumambo hwedenga. “Makanzwa kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usauraye. “ ‘Ani naani anouraya achatongwa.’ Asi ini ndinoti kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare. Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba romoto. Ipapo kana uchindopira chipo chako paatari, ipapo ukafunga kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari uende utange wayanana nehama yako. Wozouya zvako opira chipo chako. “Wadzana nomunhu ari kukukwirira dare nokuchimbidza muchiri munzira yokuenda kudare angadaro uyo ari kukukwirira dare akakuisa kumutongi mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, uye uchizoiswa mujeri. Zvechokwadi ndinokutaurira kuti haumbomubuda kusvikira waripa sendi rokupedzisira. “Makanzwa kuti zvakanzi, musaite upombwe Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Ani naani anotarisa mukadzi achimuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.’ Kana ziso rako rorudyi richikukonzera kutadza risvukunure urikande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe nhengo yomuviri wako panze pokuti muviri wako wose ukandwe mugomba romoto. Kana ruoko rwako rworudyi ruchikukonzera kutadza rudimbure urwukande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe yenhengo dzako panze pokuti muviri wako wose uende kugomba remoto. “Zvakanziwo uyo anoramba mukadzi wake ngaamupe tsamba yegupuro. Asi ini ndinoti, ‘Ani naani anoramba mudzimai wake kunze kokunge chikonzero chacho chiri choupombwe, anomuita kuti aite upombwe. Ani naaniwo anoroora mukadzi akarambwa anoita upombwe.’ “Makanzwawo kuti zvakanzi kuvanhu vakare musapike nhema asi kuti munotofanira kuita zvamakapika kuna Tenzi. Asi ini ndinoti kwamuri usambopika zvako naTenzi kana nedenga nokuti chigaro choumambo chaMwari; kana kupika nenyika nokuti chitambarariko chetsoka dzake; kana kupika neJerusaremu nokuti iguta ramambo mukuru. Usapike nomusoro wako nokuti haugoni kusandura ruvhudzi rwako kuti ruve ruchena kana rutema. Regai hongu wenyu angova hongu nakwete wenyu angova kwete; zvimwe zvose zvinopfuura ipapa zvinobva kuna wakaipa uya.
Verenga chikamu Mateu 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 5:17-37
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo