Ipapo Jesu akatungamirirwa naMweya kuenda murenje kundoedzwa naSatani. Akatsanya siku nesikati kwamazuva makumi mana. Mushure mezvo akabva oziya. Muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari iti matombo aya ave chingwa.” Asi iye akapindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Munhu haararami nechingwa choga asi neizwi rose rinobuda mumuromo maMwari.’ ” Dhiabhori akamutora akaenda naye kuguta dzvene pamusorosoro chaipo peTemberi akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari zviwisire pasi nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete, vachakugama mumaoko avo kuti urege kugumburwa rutsoka rwako nebwe.’ ” Jesu akati kwaari, “Zvakanyorwazve kuti, ‘Usaedze Tenzi Mwari wako.’ ” Dhiabhori akamutorazve akaenda naye kugomo refu–refu akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nembiri yaho. Satani akati kwaari, “Zvose izvi ndinokupa kana ukati pasi gwadagwa uchindinamata.” Jesu akati kwaari, “Ibvapo! Satani nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako. Iye oga ndiye waunofanira kushandira.’ ” Dhiabhori akabva akamusiya. Vatumwa vakabva vauya kuzomushandira. Jesu paakanzwa kuti Johani akanga asungwa, akaenda kuGarirea. Akabva kuNazareti akandogara kuKapanaumu padyo negungwa, mudunhu rokwaZabhuroni nerokwaNafutari kuti zviya zvakanga zvataurwa nomuporofita Isaya zvizadzikiswe zvokuti, “Iwe nyika yeZabhuroni newe nenyika yeNafutari iri pedyo negungwa mhiri kwaJorodhani, Garirea yevechirudzi, vanhu vakanga vagere murima vakaona chiedza chikuru navavo vakanga vagere munyika nomumumvuri worufu chiedza chakavabudira.” Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuparidza achiti pindukai nokuti umambo hokudenga hwaswedera.
Verenga chikamu Mateu 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 4:1-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo