Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 27:1-61

Mateu 27:1-61 SCLB

Kuzoti kwaedza vapristi vakuru vose navakuru–vakuru vavanhu vakaita bangano rokuti vauraye Jesu. Vakamusunga ndokuenda naye vakandomuturira kuno mutongi Pirato. Judhasi, uya akamutengesa, paakaona kuti Jesu atongerwa rufu akatendeuka akadzorera mari iya yesirivha makumi matatu kuvapristi vakuru navakuru–vakuru achiti, “Ndakatadza nokutengesa kwandakaita ropa risina mhaka.” Ivo vakati, “Ko isu tinei nazvo. Ndezvako izvo.” Judhasi akakanda mari iya yesirivha muTemberi akabva aenda ondozvisungirira. Asi vapristi vakuru vakatora mari iya yesirivha vakati, “Hazvisi pamutemo kuti tiise mari iyi mudura remari yomuTemberi nokuti imari yeropa.” Saizvozvo vakarangana vakatenga nayo munda womuumbi wehari kuti vagosivigamo vatorwa. Naizvozvo munda iwoyo unonzi “Munda weropa.” Nanhasi uno. Ndipo pakazadzikiswa zvakataurwa nomuporofita Jeremiya achiti, “Vakatora mari yesirivha makumi matatu waiva mutengo wakatemwa navaIsiraeri wokumutenga nawo. Ndiyo mari yavakatenga nayo munda womuumbi wehari sokunditaurira kwakaita Tenzi.” Jesu akamira pamberi pomutongi. Mutongi akamubvunza kuti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati, “Inga matozvireva kare wani.” Asi paakapomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru–vakuru, haana kupindura. Ipapo Pirato akati kwaari, “Hausikunzwa here kuwanda kwezvinhu zvavari kukupomera?” Asi iye haana kumupindura kunyange mhosva imwechete zvayo zvokuti mutongi zvakamukatyamadza zvikuru. Zvino pamazuva makuru aya mutongi aiva netsika yokusunungurira vanhu musungwa mumwechete wavainge vada. Ipapo vakanga vaino musungwa aive nomukurumbira ainzi Bharabhasi. Saizvozvo vanhu pavakanga vaungana, Pirato akati kwavari, “Ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei, Bharabhasi here kana kuti Jesu anonzi Kristu?” Akadaro nokuti aiziva kuti vakanga vaturira Jesu kwaari pamusana peshanje. Chimwezve ndechokuti paakanga agere pachigaro chokutonga, mudzimai wake akatumira shoko kwaari achiti, “Siyanai nomunhu uyo wakarurama nokuti nhasi ndatambudzika naye zvikuru kuhope.” Vapristi vakuru navakuru–vakuru vakagombedzera vanhu kuti vakumbire Bharabhasi asi Jesu aparadzwe. Mutongi akatizve kwavari, “Pavaviri ava ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Ivo vakati, “Bharabhasi.” Pirato akati kwavari, “Ko ndoitei naJesu anonzi Kristu?” Vose vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati, “Nemhaka yei? Akapara mhosva yei? Akatadzei?” Asi vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato paakaona kuti hapana zvazviri kubatsira asi kuti pavakutomuka bongozozo, akatora mvura akageza maoko ake pamberi pemhomho iyoyo achiti, “Handina mhosva paropa romunhu uyu. Chizvionerai moga iyemi.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngaritipfukire isu navana vedu.” Akavasunungurira Bharabhasi. Asi ndokurova Jesu zvikuru akamuturira mumaoko avo kuti vamuroverere pamuchinjikwa. Masoja aPirato akaenda naJesu mumuzinda waGavhuna. Boka rose ramasoja rakamuunganira. Vakamupfekenura hanzu vakamupfekedza gemenzi dzvuku. Vakaruka chiremba cheminzwa vakachidzika mumusoro make. Vakamubatisa rutsanga murudyi rwake. Vaipfugama pamberi pake vachimusveeredza vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!” Vakamupfira mate vakatora rutsanga ruya vachimurova narwo mumusoro. Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa gemenzi riya vakamupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa. Pavakanga vakubuda, vakasangana nomumwe murume wokuSairini ainzi Simoni. Vakamanikidza murume iyeyo kutakura muchinjikwa waJesu. Pavakasvika panzvimbo inonzi Gorogota zvinoreva kuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakasanganiswa nenduru kuti anwe. Paakairavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagoverana hanzu dzake vachiita chin'ange. Vakagara pasi vachimuchengetedza ipapo. Nechapamusoro vakaisa chiga chemhosva yake chaiti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Ipapo makororo maviri akarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye, mumwe ari kurudyi mumwe kuruboshe. Vanhu vaipfuura nepo, vakamuseka vachidzungudza musoro vachiti, “Ndiweka unogona kuputsa Temberi uchiivaka namazuva matatu, chizviponeseka kana uri Mwanakomana waMwari buruka pamuchinjikwa.” Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru vakamunyombawo vachiti, “Akaponesa vamwe asi haaagoni kuzviponesa. Ndiyeka mambo wavaIsiraeri. Ngaaburuke pamuchinjikwa iye zvino tigotenda maari. Anovimba naMwari. Ko iye Mwari ngaachimuponesaka kana achimuda nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Kunyange makororo aya akanga akarovererwa naye akamunyombawo nenzira imwecheteyo. Kubvira paawa yegumi nechipiri, masikati nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu masikati. Neawa inenge yechitatu masikati Jesu akadaidzira nezwi guru achiti, “Eri Eri rama sabhakitani” zvinoreva kuti, “Mwari wangu Mwari wangu mandisiireiko.” Vamwe vakanga vakamirapo pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu ari kudaidza Eriya.” Mumwe wavo, pakarepo, akamhanya akatora chifovefove ndokuchinyika muwaini inovava kusvika chazara. Akachibairira parutsanga akamupa kuti anwe. Asi vamwe vakati, “Mirai tione kuti Eriya achauya kuzomuponesa here.” Jesu akadaidzira zvakare nezwi guru ndokubva afa. Hero jira romuTemberi rokudzikatirisa rakabva rabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvika pasi. Nyika yakandengendeka; matombo akatsemuka. Makuva akazaruka. Vanhu vazhinji vakafa vatsvene vakamutswa. Vakabuda mumakuva mushure mokumuka kwake. Vakapinda muguta dzvene vakaonekwa navazhinji. Mutungamiriri wezana ramasoja navaakanga ainavo vachichengetedza Jesu, vakaona kundengendeka nezvakanga zvaitika vakabatwa nokutya kukuru vakati, “Zvechokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.” Pakangawo paina madzimai mazhinji ipapo akanga akatarisa ari chinhambwe, akanga atevera Jesu kubva Garirea achimushandira. Pakati pavo paiva naMaria Maghadharena naMaria amai Jemusi naJosefi namai vavanakomana vaZebhedhi. Ava manheru kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatia ainzi Josefi aivawo mudzidzi waJesu, akaenda kuna Pirato akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akati ngachipiwe kwaari. Josefi akatora chitunha ndokuchiputira mufuko rakachena. Akachiradzika muguva rake idzva raakanga azvichezera mudombo. Akakungurutsira dombo guru pamusuo weguva iroro ndokuenda zvake. Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakanga varipo vakagara pakatarisana neguva iroro.

Verenga chikamu Mateu 27