Vaya vakabata Jesu vakaenda naye kuna Kaifasi, mupristi mukuru, kwakanga kwaunganwa nenyanzvi dzomutemo navakuru–vakuru. Asi Pita akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvanze rwomupristi mukuru. Akapinda akagara pamwechete namapurisa kuti aone pazvinoperera. Vapristi vakuru nedare rose vakatsvaka uchapupu hwenhema hokunenedzera Jesu kuti vamuuraye asi vakahushaya kunyange zvazvo vazhinji vakamupupurira zvenhema. Pokupedzisira vaviri vakauya mberi vakati, “Munhu uyu akati ndinokwanisa kupaza Temberi yaMwari ndichiivaka namazuva matatu.” Ipapo mupristi mukuru akasimuka akati, “Hauna mhinduro here? Ko mhosva dzaurikupomerwa navanhu ava ndedzei?” Asi Jesu akaramba akanyarara. Mupristi mukuru akati kwaari, “Ini ndinoti pika naMwari mupenyu utiudze kuti ndiwe Mesia here Mwanakomana waMwari?” Jesu akati kwaari, “Ko inga matozvireva kare moga wani uye ndinokutaurirai kuti kubvira zvino muchatoona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimbaose achiuya ari pamakore okudenga.” Ipapo mupristi mukuru akabvarura hanzu dzake ashatirwa achiti, “Ashonha Mwari. Tichadirei zvapupu? Manzwa moga kushonha kwake Mwari. Ko munoti kudii nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa.”
Verenga chikamu Mateu 26
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 26:57-66
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo