Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 25:34-40

Mateu 25:34-40 SCLB

“Ipapo Mambo achati kuna vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makakomborerwa naBaba vangu, muwane nhaka youmambo yamakagadzirirwa kubvira pakutangisa kwapasi nokuti ndakanga ndiine nzara mukandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri muenzi mukandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukandipfekedza. Ndakanga ndichirwara mukandishanyira. Ndaiva mujeri mukauya kwandiri?’ “Vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara tikakupai chokudya kana kuti muine nyota tikakupai chokunwa? Ndirini watakakuonai muri muenzi tikakugamuchirai kana kuti musina chokupfeka tikakupfekedzai? Ndirini watakakuonai muchirwara kana kuti muri mujeri tikakushanyirai?’ “Mambo achavapindura achiti, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pamakaitira izvi kune mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makatoitira ini.’

Verenga chikamu Mateu 25

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateu 25:34-40