Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 25:14-46

Mateu 25:14-46 SCLB

“Ndinodaro nokuti umambo hwedenga huchaita somunhu akanga ava kuenda kurwendo akadaidza varanda vake akaturira kwavari zvinhu zvake. Akapa mumwe wavo mari yematarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwechete, munhu nemunhu achipiwa maererano nezvaaikwanisa kuita. Ndokubva aenda zvake. Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu akabva aenda pakarepo akandoita mhindu nayo, akaita mari yamamwe matarenda mashanu. Ndizvozvowo zvakaita akapiwa mari yamatarenda maviri, akawana imwe mari yamatarenda maviri. Asi uya akagamuchira mari yetarenda rimwechete akaenda akandoricherera pasi akaviga mari yatenzi wake. Mumashure menguva ndefu, tenzi wavaranda vaya akauya akagadzirisana nezvemari yake navo. Uya akagamuchira mari yamatarenda mashanu, akauya kwaari namamwe matarenda mashanu achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda mashanu, haano matarenda mamwe mashanu andakashava.’ Tenzi wake akati kwaari, ‘Hauchionaka muranda wakanaka wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki, ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni tenzi wako.’ Uya akapiwa mari yamatarenda maviri akauyawo achiti, ‘Changamire, makandipa mari yamatarenda maviri heino imwe mari yematarenda maviri yandakashava.’ Tenzi wake akamuti, ‘Hauchionaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakatendeka mune zvidiki ndavakukuita mutariri wezvakawanda. Saka chiuya tifare pamwechete neni Tenzi wako.’ Uyawo akagamuchira mari yetarenda rimwechete akauyawo akati, ‘Changamire, ndakazviziva kuti muri munhu akaoma. Imi munokohwa pamusina kudyara. Munounganidza pamusina kumbokusha. Ndakatya, naizvozvo ndakaenda ndikandoviga mari yenyu pasi. Hei mari yenyu.’ Tenzi wake akamupindura achiti, ‘Iwe uri muranda wakaipa, nyope yomunhu. Heya waitozviziva zvako kuti ndinokohwa pandisina kurima, ndichiunganidza pandisina kukusha? Saka waifaniraka iwe kunge wakaisa mari yangu muBhangi. Pandainge ndauya ndaizowana mari yangu nemari yayainge yabereka. Saka mutorerei mari iyoyo yetarenda muipe kune ane gumi remari yamatarenda. Nokuti uyo anazvo anotopamhidzirwa zvimwe achitova nezvakatowanda–wanda asi uyo asina, kunyange chaanenge anacho achatorerwa. Uye muranda uya asina maturo mukandei kunze kurima. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.’ “Kana Mwanakomana womunhu wouya nembiri yake pamwechete navatumwa vose, achagara pachigaro chake choumambo chinembiri. Marudzi ose avanhu achaunganidzwa pamberi pake. Iye achaparadzanisa vanhu, mumwe nomumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi hwai nembudzi. Achaisa hwai kurudyi rwake, mbudzi achidziisa kuruboshwe. “Ipapo Mambo achati kuna vari kurudyi rwake, ‘Uyai imi makakomborerwa naBaba vangu, muwane nhaka youmambo yamakagadzirirwa kubvira pakutangisa kwapasi nokuti ndakanga ndiine nzara mukandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri muenzi mukandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukandipfekedza. Ndakanga ndichirwara mukandishanyira. Ndaiva mujeri mukauya kwandiri?’ “Vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara tikakupai chokudya kana kuti muine nyota tikakupai chokunwa? Ndirini watakakuonai muri muenzi tikakugamuchirai kana kuti musina chokupfeka tikakupfekedzai? Ndirini watakakuonai muchirwara kana kuti muri mujeri tikakushanyirai?’ “Mambo achavapindura achiti, ‘Zvirokwazvo ndinoti kwamuri pamakaitira izvi kune mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makatoitira ini.’ “Ipapo achati kuna vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makarengererwa rushambwa mupinde mumoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhori navatumwa vake, nokuti ndakanga ndiine nzara mukasandipa chokudya. Ndakanga ndiine nyota mukasandipa chokunwa. Ndaiva mweni mukasandigamuchira. Ndakanga ndisina chokupfeka mukasandipa chokupfeka. Ndairwara uye ndaiva mujeri asi hamuna kundishanyira.’ “Ivo vachapindurawo vachiti, ‘Tenzi ndirini watakakuonai muine nzara kana kuti muine nyota kana muri mweni kana musina chokupfeka kana kuti muchirwara kana kuti muri mujeri tikasakuitirai chinhu.’ Iye achavapindura achiti, ‘Zvechokwadi chaizvo zvamusina kuzviita kuno mumwe wavadiki ava, hamuna kuzviita kwandiri?’ “Ava vachaenda kuchirango chisingaperi asi vakarurama vachienda kuupenyu usingaperi.”

Verenga chikamu Mateu 25