Amai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari nevanakomana vavo vakapfugama pamberi pake vakaisa chichemo chavo. Jesu akavati, “Munodeiko?” Ivo vakati kwaari, “Itai kuti, muumambo hwenyu, vanakomana vangu ava vaviri vagare vakati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.” Jesu akapindura achiti, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munogona here kunwa mukombe wamatambudziko wandichanwa.” Vakati kwaari, “Tinogona.” Iye akati kwavari, “Kunwa mukombe wandichanwa, muchaunwa, asi zvokugara kurudyi rwangu nokuruboshe rwangu handisini ndinozvipa, asi ndokweavo vakakugadzirirwa naBaba vangu.” Vamwe gumi vaya pavakazvinzwa vakashatirirwa mukoma nomunun'una vaya. Jesu akavadaidza akati kwavari, “Munozviziva imi kuti vatongi vechirudzi, pakutonga, vanoita zvomukundo uye vakuru vakuru vavo vanoita zvechisimba. Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. Uye ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, anofanira kuva muranda wenyu. Kunyange Mwanakomana womunhu, haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira vamwe uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
Verenga chikamu Mateu 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 20:20-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo