Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 2:1-15

Mateu 2:1-15 SCLB

Zvino pakaberekwa Jesu muBheterehemu reJudhea pamazuva amambo Herodhi; havo vazivi vezvenyenyedzi vakabva kumabvazuva, vakauya kuJerusaremu vachiti, “Ari kupiko mwana akaberekwa, mambo wavaJudha? Nokuti takaona nyenyedzi yake kumabvazuva zvino tauya kuzomugwadamira.” Mambo Herodhi paakanzwa izvi, zvakamunetsa uye neJerusaremu yose. Akaunganidza vapristi vakuru vose nenyanzvi dzavanhu dzomutemo akavabvunzisisa kuti iye Kristu aizoberekererwa kupi. Vakamutaurira kuti, “MuBheterehemu yokuJudhea nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi, “ ‘Iwe Bheterehemu munyika yokwaJudha hausiwe muduku wokupedzesera pakati pavatongi vokwaJudha nokuti mauri muchabva mutongi achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Herodhi akadaidza vangwaru vaya muchivande akanyatsovabvunzisisa kuti nyenyedzi yakaonekwa rinhi. Akavaendesa kuBheterehemu achiti, “Endai mundotsvagisisa mwana iyeyo. Kana mamuwana ndiunzireiwo shoko, kuti neniwo ndiende ndindomugwadamira.” Pavakapedza kunzwa mambo vakasimudzirazve rwendo rwavo. Nyenyedzi iya yavakanga vamboona kumabvazuva ndiye n'a–a pamberi pavo ichivatungamirira kusvikira yandomira pamusoro penzvimbo yaiva nemwana. Pavakaona nyenyedzi iya vakafara norufaro rukuru kwazvo. Pavakapinda mumba imomo vakaona mwana pamwechete naamai vake Maria. Vakasvikoti pasi gwadagwa vachimuremekedza. Vakasunungura upfumi hwavo vachimupa zvipo zvendarama nerusenzi nemura. Vakati vakayambirwa mukurota kuti vasadzokere nokuna Herodhi, vakadzokera kunyika kwavo neimwe nzira. Vazivi venyenyedzi vaya pavakaenda, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Josefi mukurota akati, “Simuka utore mwana naamai vake utizire kuIjipiti ugare ikoko kusvikira ndakutaurira nokuti Herodhi avakuda kutsvaka mwana kuti amuparadze.” Josefi akasimuka akatora mucheche naamai vake usiku, akaenda kuIjipiti. Akagarako kusvikira Herodhi afa. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvamborehwa naTenzi nomuromo womuporofita zvokuti, “Ndakadaidza Mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”

Verenga chikamu Mateu 2