Jesu paakapedza kutaura zvinhu izvi, akabva kuGarirea akaenda mudunhu reJudhea mhiri kwaJorodhani. Gurumwandira ravanhu rakamutevera akavaporesa ikoko. Zvino vamwe vaFarisei vakauya kwaari. Vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinobvumirwa here kuramba mukadzi wako pamusana pechikonzero chipi nechipi zvacho?”
Jesu akavapindura achiti, “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika kubvira pakutanga, akavasika vari murume nomukadzi akati, ‘Nechikonzero ichochi murume achasiya baba naamai vake achiva akabatanidzwa nomukadzi wake.’ Vaviri ivavo vachiva nyama imwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chinenge chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.”
Ivo vakati kwaari, “Ko Mosesi akazoitirei kuti murume anofanira kupa mukadzi wake tsamba yokumurambisa nayo achibva amuramba.” Iye akati kwavari, “Pamusana pemwoyo yenyu yakaoma, Mosesi akakubvumirai kuramba vakadzi venyu. Asi kubvira pakutanga zvakanga zvisina kudaro. Uye ini ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake kunze kokunge aita upombwe achizoroora mumwe anoita upombwe.”
Vadzidzi vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro akaita zvinhu pane zvomurume nomukadzi zviri nani kusaroora.” Asi iye akati kwavari, “Havasi vose vanogona kuzvitambira izvozvo asi avo chete vanenge vakatozvipiwa. Nokuti kune vamwe vanoita utsvimborume kubvira chiberekerwo chavo. Vamwe vanoitiswa tsvimborume navanhu. Navamwewo vanosarudza kuva tsvimborume pamusana poumambo hwedenga. Uyo anokwanisa kugashira izvi ngaazvigashire.”
Zvino vamwe vanhu vakauisa vana kuna Jesu kuti aise maoko ake pavari achivanamatira. Vadzidzi vakarambidza vanhu ivavo. Asi Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hokudenga ndehwevakaita saivava.” Akaisa maoko ake pamusoro pavo ndokubva aenda.
Mumwe murume akauya kwaari achiti, “Mudzidzisi chii chakanaka chandingaite kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko kuti chakanaka chii? Akanaka ariko mumwechete. Kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mitemo.”
Iye akati, “Ipi yacho?” Jesu akati, “Inoti, usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema. Remekedza baba naamai vako ugoda mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.” Jaya riya rakati kwaari, “Yose iyi ndakaichengeta. Chimwe chandisina chii.”
Jesu akati kwaari, “Kana uchida kuva munhu akaruramisisa, enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga, ugouya wonditevera.”
Jaya riya parakazvinzwa rakaenda rasuruvara nokuti rakanga riine zvinhu zvakawanda.
Jesu akati kuna vadzidzi vake, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, ‘Zvichaoma zvikuru kuti mupfumi apinde muumambo hwedenga.’ Ndinotizve kwamuri, zvirinyore kuti nghamera ipinde napaburi retsono panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
Vadzidzi pavakanzwa izvi vakashamiswa zvikuru vachiti, “Ko zvino ndiani angagone kuponeswa?” Jesu akavatarisa akati kwavari, “Kuvanhu, izvi hazvigoneki asi pana Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”
Ipapo Pita akapindura achiti, “Tarisai muone, isu takasiya zvose tikakuteverai. Zvino tichawanei?” Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Pakumutsurudzwa kwezvinhu patsva, Mwanakomana womunhu paanenge ogara pachigaro chake chembiri, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri. Munhu wose akasiya dzimba kana vakoma navanun'una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda pamusana pezita rangu, achagamuchira zvakapetwa kazana uye achizowana upenyu husingaperi. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisira vachava vokutanga.’ ”