Mushure memazuva matanhatu, Jesu akatora Pita naJemusi naJohani munun'una wake akavatungamirira mugomo refu vari pachavo. Iye akasandurwa pamberi pavo. Uso hwake hwakapenya sezuva. Hanzu dzake dzakati mbuu kuchena sechiedza. Ndokubva Mosesi naEriya vaonekwa vachitaura naJesu. Pita akati kuna Jesu, “I–i, Tenzi, hakusi kunaka kwazvakaita ikoko kuti tive pano! Kana muchida zvenyu regai ndivake misasa mitatu pano. Mumwe wenyu mumwe waMosesi nomumwe waEriya.” Achiri kutaura kudaro, hero gore rinopenya rakavafukidza; izwi rakabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye, zvikuru, munzwei.” Vadzidzi pavakanzwa izvi vakati kota kota pasi nouso vabatwa nokutya kukuru. Asi Jesu akauya akavabata achiti, “Simukai musatye.” Pavakazosimudza uso havana wavakaona kunze kwaJesu oga.
Verenga chikamu Mateu 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 17:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo