VaFarisei navaSadhusei vakauya kuna Jesu vachikumbira chiratidzo chinobva kudenga kuri kumuedza zvavo. Iye akavapindura achiti, “Kumanheru munoti, ‘Kunze kuchange kwakanaka nokuti denga rinenge rakatsvukirira.’ Kumangwanani munoti, ‘Nhasi kuchaita dutu nokuti denga rakatsvuka uye riri kutozezesa.’ Munoziva kutsanangura zvinoreva kutarisika kunenge kwakaita kunze, asi hamukwanisi kutsanangura zvinoreva zviratidzo zvenguva dzino. Muri chizvarwa chakaipa chenzenza chinotsvaka chiratidzo. Hapana chiratidzo chichapiwa kusiya chiratidzo chaJona.” Akabva avasiya oenda.
Vadzidzi pavakayambukira kumhiri kuya, vakanga vakanganwa kutakura chingwa. Jesu akati kwavari, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisei navaSadhusei.” Vakazvikurukura pachavo vachiti, “Hatina kuuya nechingwa.”
Jesu akazviziva akati, “Inga muri vanhu vechitendero chidiki. Ko munogokurukurirana zvokuti hamuna chingwa sei? Nazvino hamusati mavakunzwisisa? Hamuyeuki here zvezvingwa zvishanu zvezviuru zvishanu zvavanhu? Uye kuti makaunganidza tswanda ngani? Ko nezvezvingwa zvinomwe zvezviuru zvina zvavanhu? Makaunganidza tswanda ngani? Ko munotadza nei kunzwisisa kuti handisi kutaura nezvechingwa. Chenjererai mbiriso yavaFarisei navaSadhusei.” Ipapo vakabva vanzwisisa kuti akanga asingavataurire kuchenjerera mbiriso yechingwa asi yedzidziso yavaFarisei neyavaSadhusei.
Jesu paakasvika kudunhu reSezariafiripi, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti ndiJohani Muombeki vamwewo vachiti ndiEriya, vamwewo vachiti ndiJeremiya kana kuti mumwe wavaporofita.” Akazoti kwavari, “Ko imi, munoti ndini ani?” Simoni Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu chaiye Mwanakomana waMwari mupenyu.”
Jesu akamupindurawo achiti, “Zvako wakakomborerwa Simoni mwanakomana waJona, nokuti haasi munhu ane nyama neropa akakuzivisa izvi asi Baba vangu vari kudenga. Zvino ini ndinoti kwauri ndiwe Pita uye paruware urwu ndichavakira sangano rangu. Masimba erufu haachazorikuriri. Ndichakupa kii dzoumambo hwedenga. Chose chauchasunga pasi pano chichabva chasungwawo kudenga. Chose chauchasunungura pasi pano chichabva chasunungurwawo kudenga.”
Ipapo Jesu akatsindidza vadzidzi vake kuti vasataurire kana munhu zvake kuti ndiye Mesia.
Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuratidza vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusaremu achindotambudzika zvikuru zvichibva kuvakuru vakuru navapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu. Pita akamutora ndokutanga kumutsiura achiti, “Mwari haangadaro Tenzi. Hazvimbofa zvakaitika kwamuri izvi.” Jesu akatendeuka akati kuna Pita, “Ndibvirepo, Satani! Uri chipinganidzo, nokuti hausiri kudivi kwaMwari, asi kudivi kwavanhu.”
Jesu akataurira vadzidzi vake achiti, “Kana munhu achida kunditevera ngaazvirambe atakure muchinjikwa wake anditevere, nokuti uyo anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu achahuwana. Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvapasi pose, iye achirasikirwa noupenyu hwake. Kana kuti angabvisei chokutsinhanisa noupenyu hwake? Nokuti Mwanakomana womunhu achauya navatumwa vake mumbiri yaBaba vake achizopa munhu nomunhu mubayiro wezvaakaita. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vamwe vamire pano vasingambofi vakaona rufu, vasati vaona Mwanakomana womunhu achiuya noumambo hwake.”