Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 15:1-39

Mateu 15:1-39 SCLB

Kwakazouya vaFarisei nenyanzvi dzomutemo kuna Jesu vachibva kuJerusaremu vachiti, “Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika dzamagamuchidzanwa dzamadzitateguru? Nokuti havashambi maoko avo pavanodya.” Jesu akavapindura achiti, “Ko imi munodarikirei mutemo waMwari nokuda kwamagamuchidzanwa enyu? Nokuti Mwari, akati, ‘Remekedza Baba naamai vako uye kuti munhu anotaura zvakaipa nezvababa kana amai vake anofanira kuti afe.’ Asi imi munoti, kana munhu akataurira baba vake kana amai vake achiti, ‘Zvandakanga ndichigona kuzokubatsirai nazvo ndazvipira kuna Mwari, haazosungirwa kuremekedza baba vake.’ Saizvozvo nokuda kwamagamuchidzanwa enyu, makaita kuti shoko raMwari rishaye maturo. Imi vanyengedzi, Isaya akaporofita zvechokwadi nezvenyu paakati, “ ‘Vanhu ava vanondikudza zvapamuromo chete asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo ndekwenhando vachidzidzisa, sechokwadi, mitemo yavanhu.’ ” Jesu akadaidza vanhu ndokuti kwavari, “Teererai munzwisise, “Munhu haan'oreswe nezvinopinda mukanwa make asi zvinobuda mukanwa make ndizvo zvinon'oresa munhu.” Vadzidzi vake vakauya vakati kwaari, “Munoziva here kuti vaFarisei vakagumbuka pavakanzwa zvamakataura zviya.” Iye akati, “Chose chisina kudyarwa naBaba vangu chichadzipurwa. Varegei vakadaro, mapofu avatungamiri. Zvino kana bofu, rikatungamirira rimwe bofu vachawira vose mugomba.” Asi Pita akati kwaari, “Titsanangurirei muenzaniso uyu.” Jesu ndokuti, “Nemiwo hamunzwisise nhai? Hamuoni here kuti chinhu chose chinopinda mukanwa chinopfuura nomudumbu chichizobva chorasirwa kunze. Asi chinobuda mukanwa momunhu chinobva mumwoyo, ndicho chinon'oresa munhu. Nokuti mumwoyo ndimo munobva pfungwa dzakaipa dzinoti, umhondi noupombwe nokufeva nokuba nokurevera vamwe nhema uye kutaura zvakaipa nezvavamwe. Izvi ndizvo zvinon'oresa munhu asi zvokudya usina kushamba maoko hazvin'orese munhu.” Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni. Hoyo mumwe mudzimai wechiKanani, womudunhu iroro, akauya achichema achiti, “Ndinzwireiwo tsitsi, Tenzi, Mwanakomana waDhavhidhi; mwanasikana wangu akagarwa zvakanyanya nomweya wakaipa.” Asi Jesu haana chaakamupindura. Vadzidzi vake vakauya vakamukumbira vachiti, “Mutaurirei aende nokuti ari kutitevera achichema.” Iye akapindura achiti, “Ini ndakatumwa kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri.” Asi mudzimai uya akauya akapfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, ndibatsirei zvenyu.” Jesu akamupindura achiti, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikanda kuimbwa.” Mudzimai uya akati, “Hongu zvazvo Tenzi; asi kunyange mbwanana dzinodya tumedu tunodonha pateburu yavatenzi vadzo.” Jesu akamupindura achiti, “Iwe mudzimai chitendero chako chikuru! Ngazviitwe sokuda kwako.” Mwanasikana wake akabva anaya pakarepo. Jesu akabva ikoko akazopfuura achitevedza gungwa reGarirea. Akakwira muchikomo ndokugara pasi imomo. Zvita zvavanhu zvakawanda zvakauya kwaari. Vakaungana kwaari nemhetamakumbo navakaremara namapofu nembeveve navamwe vakadaro. Vakavaisa patsoka dzake. Iye akavaporesa zvokuti gurusvusvu riya ravanhu rakashamiswa, pavakaona mbeveve dzichitaura, zvirema zvaita zvakanaka nemhetamakumbo dzavakufamba namapofu avakuona. Vakarumbidza Mwari wavaIsiraeri. Jesu akadaidza vadzidzi vake akati, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya zvino havachisina chokudya. Handide kuvaendesa nenzara vangadaro vakaziya panzira.” Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Tingawane kupi chingwa chinokwana kugutsa gungano guru ravanhu rakadai murenje muno?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe netuhove tushoma.” Akati vanhu vagare pasi. Akatora zvingwa zviya zvinomwe nehove. Akatenda, ndokuzvimedura ozvipa kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipawo kuvanhu. Vose vakadya vakaguta. Vakanhongerera zvimedu zvakasara zvikazadza tswanda nomwe. Vakadya vacho vaiva zviuru zvina zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana. Jesu akazoendesa vanhu ndokukwira mugwa woenda kudunhu reMagadhani.

Verenga chikamu Mateu 15