Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 15:1-11

Mateu 15:1-11 SCLB

Kwakazouya vaFarisei nenyanzvi dzomutemo kuna Jesu vachibva kuJerusaremu vachiti, “Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika dzamagamuchidzanwa dzamadzitateguru? Nokuti havashambi maoko avo pavanodya.” Jesu akavapindura achiti, “Ko imi munodarikirei mutemo waMwari nokuda kwamagamuchidzanwa enyu? Nokuti Mwari, akati, ‘Remekedza Baba naamai vako uye kuti munhu anotaura zvakaipa nezvababa kana amai vake anofanira kuti afe.’ Asi imi munoti, kana munhu akataurira baba vake kana amai vake achiti, ‘Zvandakanga ndichigona kuzokubatsirai nazvo ndazvipira kuna Mwari, haazosungirwa kuremekedza baba vake.’ Saizvozvo nokuda kwamagamuchidzanwa enyu, makaita kuti shoko raMwari rishaye maturo. Imi vanyengedzi, Isaya akaporofita zvechokwadi nezvenyu paakati, “ ‘Vanhu ava vanondikudza zvapamuromo chete asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo ndekwenhando vachidzidzisa, sechokwadi, mitemo yavanhu.’ ” Jesu akadaidza vanhu ndokuti kwavari, “Teererai munzwisise, “Munhu haan'oreswe nezvinopinda mukanwa make asi zvinobuda mukanwa make ndizvo zvinon'oresa munhu.”

Verenga chikamu Mateu 15