Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 14:13-21

Mateu 14:13-21 SCLB

Jesu paakanzwa izvi, akabva ipapo negwa akaenda kunzvimbo isina vanhu, kwake oga. Voruzhinji rwavanhu pavakazvinzwa vakatevera ikoko netsoka vachibva mumaguta. Paakabuda mugwa pamahombekombe, akaona chita chikuru chavanhu. Akavanzwira tsitsi akaporesa varwere vavo. Zuva parakanga rava kuda kudoka, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Muno murenje uye kwava kudoka. Dai machiendesa vanhu vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” Jesu akati, “Havafaniri kuenda. Vapei iyemi zvokudya.” Vakati kwaari, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete.” Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akati vanhu ngavagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri. Akatarisa kudenga, ndokukomborera, ndokumedura, akapa zvingwa zviya kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipa kuvanhu. Vose vakadya vakaguta. Vakaunganidza tswanda gumi nembiri dzizere dzezvimedu zvakasara. Vanhu vakadya vaiva zviuru zvishanu zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana.

Verenga chikamu Mateu 14