Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 10:1-42

Mateu 10:1-42 SCLB

Jesu akadaidza kwaari vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina kuti vaidzinge nesimba rokurapa zvirwere zvose namatenda ose. Mazita avapositori gumi navaviri ndaaya: wokutanga ndiSimoni anonzi Pita nomunun'una wake Andireya, kouya Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake. Kozouya Firipi naBhatoromeo kwoti Tomasi naMateu, muteresi, kwozoti Jemusi mwanakomana waArifeosi naTadheo. Kwozotiwo Simoni muKenani naJudhasi Isikarioti uya akazomupandukira. Jesu akatuma vane gumi navaviri ava achivakomera achiti, “Musaende kune vechirudzi uye musapinde muguta ravaSamaria asi endai kuhwai dzakarasika dzemba yaIsiraeri muparidze pamunenge muchifamba muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwavapedyo.’ Rapai vanorwara, mutsai vakafa, murape vana maperembudzi mudzinge mweya yakaipa. Makapiwa pachena, imi ipaiwo pachena. Musatakure mari yendarama kana yesirivha kana yekopa muzvikwama zvenyu, kana tsapo yeparwendo kana hembe mbiri kana shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anokodzera kupiwa zvokudya. “Guta riri rose ramunopinda kana musha uri wose wamunopinda bvunzai kuti ndiani anokodzera mauri. Garai naye kusvikira mabvamo. Pamunopinda imomo kwazisai vomumbamo. Kana imba iyoyo ichikodzera, rugare rwenyu ngaruende pairi. Asi kana isingakodzeri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Kana munhu asingadi kukugamuchirai kana kuteerera mazwi enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mava kubva pamba ipapo kana guta iroro. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, ‘Pazuva rokutongwa zvicharerukira nyika yeSodhomu neGomora kupinda guta iroro.’ “Tarirai, ndinokutumai sehwai mukati memhumhi, nezvo ngwarai senyoka asi makarurama senjiva. Ngwarirai vanhu, nokuti vachakukwirirai matare vachikurovai mumasinagogu avo. Muchakwekweretserwa kuvatongi namadzimambo, pamusana pangu, kuti mupe uchapupu pamberi pavo nokune vechirudzi. Kana vakukwirirai musazvinetse kuti muchataura sei kana kuti muchataurei nokuti zvamuchataura muchazvipiwa panguva iyoyo, nokuti hamusirimi munenge muchitaura asi Mweya waBaba venyu anenge achitaura nemamuri. “Mukoma nomunun'una vachakwirirana kumatare kusvikira pakuuraisana. Babawo vachakwirira mwana wavo. Vana vachamukira vabereki kuti vauraiwe uye muchavengwa navose pamusana pezita rangu asi uyo anotirira kusvika pamugumo achaponeswa. Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya. Mudzidzi haasi mukuru pane mudzidzisi wake nomurandawo haasi mukuru pana tenzi wake. Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake? “Naizvozvo musavatye. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswa pachena kana chakavandika chisingazozivikanwa. “Zvandinokutaurirai murima zvitaurei masikati machena, zvamunonzwa nakazevezeve zviparidzei muri pamusoro pemba. Musatye avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya asi ityai uyo anogona kuuraya mweya nomuviri mugomba romoto. Tushiri tudiki tuviri hatutengeswi nesendi here? Asi hapana kamwe katwo kanowira pasi, kusiri kuda kwaBaba venyu. Kana murimi zvenyu, kunyange vhudzi romusoro wenyu rose rakaverengwa. Saka musatye; munotokosha kupinda tushiri tuzhinji. “Nezvo munhu anondibvuma pamberi pavanhu ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi munhu anondiramba pamberi pavanhu, ini ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. “Regai kufunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika. Handina kuuya kuzounza rugare asi hondo yebakatwa nokuti ndakauya kuzorwisanisa baba nomwanakomana vake, mwanasikana achapesanawo naamai vake, muroorawo achapesana navamwene vake. Mhandu dzomunhu dzichava dzomumba make. “Munhu anoda baba namai kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Aninaani asingatore muchinjikwa wake achinditevera haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake, pamusana pangu, achahuchengetedza. “Uyo anogamuchira imi anogamuchirawo ini. Anogamuchira ini anogamuchirawo uyo akandituma. Anogamuchira muporofita pamusana pokuti muporofita anowanawo mubayiro womuporofita. Uyowo anogamuchira munhu akarurama pamusana pokuti munhu wakarurama achagamuchirawo mubayiro womunhu wakarurama. Munhuwo anopa kune mumwe wavaduku ava kunyange mukombe wemvura inotonhora nokuda kokuti mudzidzi, zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri haamborega kuwana mubayiro wake.”

Verenga chikamu Mateu 10