Chinzwai, “Ndichatuma nhumwa yangu kuzofanondigadzirira nzira, Tenzi wamunodai kutsvaka achayerekana auya kuTemberi yake, nhumwa iyoyo yechitenderano yamunofarira iri kuuya,” ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Asi ndianiko angatirire zuva rokuuya kwake uye ndiani angapamire kana iye auya? Ndinodaro nokuti akaita somoto womunyungurutsi woutare kana kuti sesipo yomusuki. Achagara pasi somunyungurutsi uye somuchenesi wesirivha achachenesa vanakomana vokwaRevhi agovachenesa sendarama nesirivha kudzamara vava kupira mipiro yakarurama kuna Tenzi. Mupiro wokwaJudha neJerusaremu ndopauchazofadza Tenzi sezvazvaiita pasichigare sezvawaiita mumakore akapfuura. “Ndopandichakuvingai kuzokugadzai dare ndiri chapupu chinokurumidza kupupura chakanangana navanhu vanoromba mushonga nemhombwe navanopika zvemanyepo uye navanhu vanobata zvakaipa mushandi wavo pane zvavanomutambirisa nokuonesa nhamo chirikadzi nenherera uye navanhu vanosaidzira muuyi kure navo, vasinganditye zvavo. Ndizvo zvinotaura Tenzi wehondo nehondo.
Verenga chikamu Maraki 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Maraki 3:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo