Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maraki 3:1-18

Maraki 3:1-18 SCLB

Chinzwai, “Ndichatuma nhumwa yangu kuzofanondigadzirira nzira, Tenzi wamunodai kutsvaka achayerekana auya kuTemberi yake, nhumwa iyoyo yechitenderano yamunofarira iri kuuya,” ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Asi ndianiko angatirire zuva rokuuya kwake uye ndiani angapamire kana iye auya? Ndinodaro nokuti akaita somoto womunyungurutsi woutare kana kuti sesipo yomusuki. Achagara pasi somunyungurutsi uye somuchenesi wesirivha achachenesa vanakomana vokwaRevhi agovachenesa sendarama nesirivha kudzamara vava kupira mipiro yakarurama kuna Tenzi. Mupiro wokwaJudha neJerusaremu ndopauchazofadza Tenzi sezvazvaiita pasichigare sezvawaiita mumakore akapfuura. “Ndopandichakuvingai kuzokugadzai dare ndiri chapupu chinokurumidza kupupura chakanangana navanhu vanoromba mushonga nemhombwe navanopika zvemanyepo uye navanhu vanobata zvakaipa mushandi wavo pane zvavanomutambirisa nokuonesa nhamo chirikadzi nenherera uye navanhu vanosaidzira muuyi kure navo, vasinganditye zvavo. Ndizvo zvinotaura Tenzi wehondo nehondo. “Chiripo ndechokuti ini Tenzi handisanduke–sanduke naizvozvo imiwo vanakomana vokwaJakobho hamuna kutsakatika. Kubvira mumazuva amadzibaba enyu, manga muchingokanda pasi mirao yangu muchirega kuichengeta. Chidzokerai kwandiri, ini ndichadzokerawo kwamuri, ndozvinotaura Tenzi wehondo nehondo. Asi imi munoti, ‘Ko todzokera sei?’ Nhaimi, iye munhu angabire Mwari here? Asi imi munondibiraka imi. Asi munoti tinokubirai seiko? Imo muzvegumi zvenyu nomumipiro yenyu. Makapinda jambwa nokuti muri kundibira, iyemi rudzi rwenyu rwose zvarwo. Uyai nezvegumi zvakakwana mumba mokuchengetera zvinhu kuitira kuti mumba mangu muve nechokudya nezvo mundiedze henyu ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo muone kuti ini ndinorega here kukuzarurirai mahwindho okudenga ndichikuwodzvorerai mafashafasha emakomborero. Ndichakumisirai mharadzi kuti irege kuparadza michero yevhu renyu uyewo mugirepisi wenyu, muminda hauzotadza kubereka. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Ipapo marudzi ose avanhu achakutii muri vanhu vakakomborerwa nokuti muchange muri munyika yorufaro. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. “Munotaura zvakaomarara kwandiri,” ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Asi ndipo pamunoti mi, ‘Ko takataura zvakaomarara sei?’ Munoti, ‘Hazvina namaturo ose kushandira Mwari. Zvinotibatsireiko kuteerera mirao uye kufamba takazvirereka kuna Tenzi wehondo nehondo wacho? Asi zvino zvatiri kuona ndezvokuti vanozvikudza ndivo vakatokomborerwa zvavo. Vaiti vezvakaipa havasi kungobudirira chete asi kutoti kunyange vakaedza zvavo Mwari vanopunyukawo.’ ” Vanhu vaitya Tenzi vakataurirana. Tenzi akateerera akavanzwa. Izvozvo bhuku roKuyeuchidza ravanhu vanotya Tenzi navanhu vanofunga nezvezita rake rakanyorwa mberi kwake. “Ivavo vachava vanhu vangu,” ndizvo zviri kureva Tenzi wehondo nehondo. “Vachava upfumi hwangu hwakakosha kwazvo pazuva randichazoita zvandinoita. Uye ndichavachengetedza sokuchengetedza kunoita munhu mwana wake mukomana anomushandira. Ipapozve ndipo pamuchazosiyanisa mutsauko uri pakati pomururami nomuipi napakatiwo pomunhu anoshandira Mwari neasingamushandire.”

Verenga chikamu Maraki 3