Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maraki 2:1-17

Maraki 2:1-17 SCLB

“Zvino imi vapristi mutemo uyu mutemo wenyu. Kana mukarega kuteerera kana kurega henyu kuuisa mumwoyo kuti mupe mbiri kuzita rangu ndizvo zviri kutaura Tenzi, inini ndichati muwirwe nejambwa. Ndichati zvikomborero zvenyu zvive jambwa nazvinowo ndatozviti zvive jambwa nokuti hamuuise mumwoyo. Chinzwai ndichati zvibereko zvenyu zviwirwe norushambwa, ndichakuzora–zorai uso nendove, ndove yemipiro yenyu uye ndigokubvisai kwandiri. Ndopamuchazoziva kuti ndakutemerai murao iwoyu kuitira kuti chitenderano changu nevokwaRevhi chibate. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. “Chitenderano changu chandakaita naye chakanga chiri chitenderano choupenyu norugare. Ndakamupa izvozvo kuitira kuti agotyawo, saizvozvowo ainditya achidedera kwazvo zita rangu. “Rudzidziso rwechokwadi ruri pamuromo pake, uipi hahwaiwanikwa pamuromo pake. Akafamba neni mukuwadzana nomukururama. Akadzora vazhinji kuhuipi. Ndinodaro nokuti miromo yomupristi inofanira kuchengetedza ruzivo. Vanhu vanotsvaka rudzidziso kumuromo wake nokuti iye inhumwa yaTENZI wehondo nehondo. “Asi imimi makatsauka mugwara, makaitisa kuti vakawanda vapingiridzwe nechidzidziso chenyu. Makan'oresa chitenderano chokwaRevhi ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Ndokusaka ini ndavakuitawo kuti imi muve vanhu vakashoreka vokupedzesera zvavo kuvanhu vose sokuregawo kuchengeta nzira dzangu kwamakaita, makatoita zvenyu rusaruro pane zvemitemo.” Handiti tina baba mumwechete here? Hatina kusikwa naMwari mumwechete here? Nemhaka yei tichirega kuitirana zvakatendeka tichin'oresa chitenderano chemadzibaba edu kudai. VokwaJudha havana kutendeka, muIsiraeri nomuJerusaremu makaitwa zvinhu zvisingadiwi naMwari. Chikonzero ndechokuti vokwaJudha vakan'oresa Nzvimbo Inoera yaTenzi yapamwoyo, vachitoroora zvavo vanasikana vokuvamwari vasiri ivo. Dai TENZI angoiti munhu iyeyo asawane uchapupu kana kurevererwa mumisasa yematendhe yovokwaJakobho paanouya nomupiro kuna Tenzi wehondo nehondo. Zvimwewo zvamunoita ndezvizvi: munochakatisa atari yaTenzi nemisodzi nokuhwihwidza kuchema nokuungudza nokuti haasisina hanya nomupiro kana kuugamuchira nomufaro mumaoko enyu. Munobvunza kuti, “Ko chaanoregerera chii?” Chikonzero chacho ndechokuti Tenzi ndiye chapupu chinopupurira chitenderano chako iwe nomudzimai akakubvisa mugota wausina kutendeka kwaari iye ari mumwe wako uyezve ari mudzimai wako wechitenderano. Haasiri iye here akavaita chinhu chimwechete akaramba angotichengetera mweya woupenyu? Shungu dzake ipapo ndedzokuitei chaizvo? Handiti kuti pamuke rudzi runotya Mwari? Saka chichenjererai kuti munhu arege kuva asina kutendeseka kumudzimai wake akamubvisa mugota, nokuti, “Ndinovenga kurambana.” Ndizvo zvinotaura Tenzi, Mwari weIsiraeri, uye munhu anopfeka utsinye sehembe. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Naizvozvo imi ngwarirai mweya yenyu murege kuva vanyengedzi. Mapfuvisa Tenzi nezvamunotaura. Asi imi munoti, “Tamupfuvisa seiko chaizvo?” Nokutaura muchiti, “Vose vanoita zvakaipa ndivo vakanaka pana Tenzi uye ndivo vaanofarira ivavo.” Kana nokubvunza kuti, “Ko Mwari woruenzaniso aripi?”

Verenga chikamu Maraki 2