Jesu akadaidza vane gumi navaviri akavapa simba noukuru pamusoro pemweya yose yakaipa nesimba rokurapa zvirwere. Akavatuma kundoparidza umambo hwaMwari uye kundoporesa. Akati kwavari, “Musatakure zvinhu zverwendo zvinoti tsvimbo kana nhava kana chingwa kana mari. Musave nehembe mbiri. Imba ipi neipi yamunosvikira garai imomo kusvikira pamunobvapo. Kose kwavasingakugamuchirei, kana mobva muguta iroro gumai guruva retsoka dzenyu rive uchapupu kwavari.” Vadzidzi vakaenda nomumisha vachiparidza shoko vachiporesa kose kose. Herodhi mumwe wavatongi vana akanzwa zvose zvakanga zvaitwa zvakamupazanisa musoro nokuti zvainzi navamwe, ndiJohani akamutswa kuvakafa, vamwewo vachiti ndiEriya akazvionesa. Vamwewo vaiti mumwe wavaporofita vakare akanga amuka. Herodhi akati, “Johani ndakamudimbura musoro. Ko uyu ndiani wandinonzwa zvinhu zvakadai nezvake.” Naizvozvo aitsvaga kuti angamuone sei.
Verenga chikamu Ruka 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 9:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo