Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 8:40-56

Ruka 8:40-56 SCLB

Jesu paakadzoka, chita chavanhu chakamugamuchira nokuti vose vakanga vakamumirira. Hoyo mumwe murume anonzi Jairosi akanga ari mutongi wesinagogu akauya. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamukumbirisa kuti auye kumba kwake nokuti aiva nomwanasikana mumwechete oga aiva namakore anenge gumi namaviri akanga avakuda kufa. Paakanga achiendako, vanhu vakanga vakamukomberedza vakanga vachidzvinyirirana naye. Mumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri, akanga apedzera zvose zvaimuraramisa kun'anga asi hapana akakwanisa kumurapa. Akauya neshure kwake akabata mupendero wehanzu yake. Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda. Jesu akati, “Ndiani andibata?” Vose zvavakaramba, Pita “Tenzi, gurusvusvu ravanhu rakakutenderedzai uye riri kudzvinyirirana nemi!” Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata nokuti ndanzwa kuti simba rabuda mandiri.” Mukadzi uya paakaona kuti haana kuvandika, akauya achidedera akawira pasi pamberi pake akadura pachena pamberi pavanhuvose, kuti akanga amubatirei, uye kuti akabva aporeswa sei, pakare pakarepo. Jesu akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa chienda zvako norugare.” Paakanga achiri kutaura mumwe munhu akabva kumba kwomutungamiriri uya, akauya achiti, “Mwanasikana wenyu atofa chiregai kunge muchanetsa zvenyu mudzidzisi.” Asi Jesu paakanzwa izvi akapindura achiti, “Usatye tenda chete achaponeswa.” Pavakasvika pamba hapana waakabvumira kupinda naye kusiya Pita naJemusi naJohani naBaba naamai vomwana iyeyo. Vose vakanga vachimuungudza vachimuchema asi iye akati, “Musachema nokuti haana kufa, akakotsira.” Vakamuseka nokuti vaiziva kuti afa. Akabata musikana uya ruoko akadaidzira achiti, “Musikana muka.” Mweya wake wakadzoka akamuka pakarepo. Jesu akati ngaapiwe chimwe chinhu chokudya. Vabereki vake vakashamiswa zvikuru asi akavakohomedza kuti vasawane wavanotaurira zvakanga zvaitika.

Verenga chikamu Ruka 8