Jesu paakadzoka, chita chavanhu chakamugamuchira nokuti vose vakanga vakamumirira. Hoyo mumwe murume anonzi Jairosi akanga ari mutongi wesinagogu akauya. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamukumbirisa kuti auye kumba kwake nokuti aiva nomwanasikana mumwechete oga aiva namakore anenge gumi namaviri akanga avakuda kufa. Paakanga achiendako, vanhu vakanga vakamukomberedza vakanga vachidzvinyirirana naye. Mumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri, akanga apedzera zvose zvaimuraramisa kun'anga asi hapana akakwanisa kumurapa. Akauya neshure kwake akabata mupendero wehanzu yake. Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda. Jesu akati, “Ndiani andibata?” Vose zvavakaramba, Pita “Tenzi, gurusvusvu ravanhu rakakutenderedzai uye riri kudzvinyirirana nemi!” Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata nokuti ndanzwa kuti simba rabuda mandiri.” Mukadzi uya paakaona kuti haana kuvandika, akauya achidedera akawira pasi pamberi pake akadura pachena pamberi pavanhuvose, kuti akanga amubatirei, uye kuti akabva aporeswa sei, pakare pakarepo. Jesu akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa chienda zvako norugare.”
Verenga chikamu Ruka 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 8:40-48
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo