Zvino Jesu akati achidzoka, vazhinji vakamugamuchira; nokuti vose vakanga vakamumirira. Ipapo mumwe murume, ainzi Jairosi, akanga ari mukuru wesinagoge, akauya akazviwisira patsoka dzaJesu, akakumbira zvikuru kwaari kuti apinde mumba make.
Nokuti akanga anomukunda mumwechete, waiva namakore anenge gumi namaviri, akanga atotandadza. Zvino akati achienda, vanhu vazhinji vakamumanikidza.
Ipapo mumwe mukadzi, aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akanga apedzera pan'anga zvose zvaairarama nazvo, asingaporeswi neimwe, akauya mumashure make, akabata mupendero wenguo yake, pakarepo kubuda kwake kweropa kukaguma. Jesu akati, “Ndianiko andibata?” Zvino vose vakati vachiramba, Petirosi akati, “Tenzi, vanhu vazhinji vanokumanikidzai nokukutsikirirai.”
Asi Jesu akati, “Mumwe andibata, nokuti ndanzwa kuti simba rabuda kwandiri.” Zvino mukadzi akati achiona kuti haana kuvanzika, akauya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuudza pamberi pavose kuti akanga amubata nemhaka yei, uye kuti akaporeswa pakarepo. Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.”