Nyaya iyi yaitaura nezvake yakapararira muJudhea yose nomumatunhu ose akapoteredza. Johani akaudzwa zvinhu zvose izvi navadzidzi vake, ndokudana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kuna Tenzi kundoti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?” Varume ava zvavakasvika kwaari vakati, “Johani Muombeki atituma kwamuri, achibvunza kuti, ‘Ko ndimi here uya akanzi achazouya kana kuti tomirira mumwe?’ ” Nenguva yakareyo Jesu aiporesa vazhinji vaiva nezvirwere namatenda, achidzinga mweya yakaipa; achisvinudzawo mapofu mazhinji. Jesu akavapindura achiti, “Endai mundoudza Johani zvamaona nezvamanzwa, zvokuti mapofu avakusvinudzwa, mhetamakumbo dzavakufamba, vana maperembudzi vavakunatswa, vamatsi vavakunzwa, vakafa vavakumutswa, varombo vavakuparidzwa shoko rakanaka. Akakomborerwa munhu asingagumburwi neni.”
Verenga chikamu Ruka 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 7:17-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo