Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 23:27-38

Ruka 23:27-38 SCLB

Akateverwa negurusvusvu ravanhu namadzimai vachiridza mhere vachimuchema. Jesu akatendeukira kwavari akavati, “Vakunda veJerusaremu musandicheme ini; asi zvichemei imi navana venyu. Tarirai mazuva ari kuuya pavachati vakakomborerwa zvavo vasina mbereko nemimba dzisina kumbobereka namazamu asina kumboyamwisa. Ndipo pavachatangisa kuti kumakomo, ‘Tiwirei’ uye kuzvikomo, ‘Tifugidzei’ nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, ko kutozoti kuno muti wakaoma.” Vamwewo vaviri vaiva vapari vedzimhosva vakaendwawo navo kundouraiwa pamwechete naye. Pavakasvika panzvimbo inonzi yeDehenya ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navapari vedzimhosva vaya vaviri mumwe ari kurudyi mumwe ari kuruboshwe. Jesu akati, “Baba varegererei nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakakanda mijenya kuti vagovane hanzu dzake. Vanhu vakanga vakamira pedyo vachitarisa. Asi vatongi vakamusveeredza vachiti, “Akaponesa vamwe ko ngaazviponesewoka kana ari iye Mesia waMwari musarudzwi wake.” Masoja akamutsvinyirawo, vachiuya vachimupa waini inovava vachiti, “Kana uriwe Mambo wavaJudha zviponese.” Nechapamusoro pake pakanga pane chikwangwani chakanyorwa kuti, “UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA.”

Verenga chikamu Ruka 23