Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 23:27-38

Ruka 23:27-38 SNA2002

Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema. Asi Jesu akatendeukira kwavari, akati, “Vakunda veJerusaremu, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu; nokuti tarirai, mazuva anouya, avachati, ‘Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisina kutongobereka, namazamu asina kuyamwisa.’ Musi uyo muchatanga kureva kumakomo, muchiti, ‘Wirai pamusoro pedu,’ nokuzvikomo, ‘Tifukidzei.’ Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakaoma uchaitirweiko?” Kwakanga kuna vamwe vatadzi vaviri, vavakaenda navo pamwechete naye kundourawa. Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi, “Dehenya,” vakamuroverapo navatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. Ipapo Jesu akati, “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” Vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo. Vanhu vakamira, vachitarira; namakurukota vakamusekawo, vachiti, “Wakaponesa vamwe; ngaazviponese, kana ari Kristu waMwari, Mutsanangurwa wake.” Navarwiwo vakamuseka, vakauya kwaari, vakamupa vhiniga, vachiti, “Kana uri Mambo wavaJudha, uzviponese.” Zvino kwakanga kune runyoro pamusoro pake rwaiti, “UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.”

Verenga chikamu Ruka 23