Zuva guru reChingwa Chisina mbiriso rakazosvika rayiitwa hwayana yePasika chibayiro. Ipapo Jesu akatuma Pita naJohani achivati, “Endai mundotigadzirira Pasika kuti tigoidya.” Vakati kwaari, “Munoda kuti tindoigadzirira kupi.” Iye akati kwavari, “Pamunongoti pindei muguta muchasanganidzana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei muimba yaanondopinda mugotaurira muridzi wemba iyoyo kuti, ‘Mudzidzisi ari kuti kwamuri, ko imba yavayeni mandichadyira Pasika navadzidzi vangu iripi?’ Iye achakuratidzai imba huru yapamusoro makanyatsorongedzwa. Imomo ndomomotigadzirira.” Vakaenda vakasvikowana sezvaakanga avataurira, ndokugadzirira Pasika. Nguva yacho payakasvika, akagara pakudya pamwechete navapositori. Akati kwavari, “Ndaidisisa kwazvo kudya chirariro ichi nemi ndisati ndatambudzika nokuti, ndinokuudzai kuti handichazochidya kusvikira chazadziswa muumambo hwaMwari.” Akatora mukombe akatenda ndokuti, “Torai mukombe uyu mugoverane pakati penyu nokuti ndinokuudzai kuti kubvira zvino handizonwazve muchero womugirepisi kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.” Akatorawo chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Uyu muviri wangu unopirirwemi. Itai izvi mugochindiyeuka nazvo.”
Verenga chikamu Ruka 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 22:7-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo