Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:21-35

Ruka 2:21-35 SCLB

Mushure memazuva masere, pakadzingiswa mwana, akatumidzwa zita rokuti Jesu, ndiro zita riya raakapiwa nomutumwa, amai vake vasati vava napamuviri pake. Kuzoti nguva yokuchenurwa kwavo yakwana, vakakwira nomwana kuJerusaremu kundomusuma kuna Tenzi sezvaidikanwa nomutemo waMosesi. Sezvazvakanyorwa muMutemo waTenzi kuti, “Dangwe rose rechikomana rinotanga kubuda mudumbu raamai varo richanzi rakaturirwa Tenzi.” Vakaendawo kundopira mupiro wechibayiro chenjiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki sokurehwa kwazvakaitwa nomutemo waTenzi. Zvino muJerusaremu maiva nomumwe murume ainzi Simeoni. Akanga ari munhu akarurama anotya Mwari, uye akanga achitarisira kunyaradzwa kweIsiraeri. Mweya Mutsvene akanga ari paari. Munhu iyeyu akanga aziviswa naMweya Mutsvene, kuti haazofi asati aona Mesia waTenzi. Afemerwa naMweya, akapinda muTemberi. Vabereki zvavakauisa mwana Jesu kuzomuitira zviya zvaigaroitwa zviri muMutemo akatora mwana akamubata mumaoko, akarumbidza Mwari achiti; “Tenzi mungachirega muranda wenyu zvino achienda norugare, sokureva kwenyu, nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzirira kuti ruonekwe nendudzi dzose dzavanhu. Mwenje wokuvhenekera vechirudzi nomukurumbira wavanhu venyu vaIsiraeri.” Baba vake naamai vake vakashamiswa vachinzwa zvakataurwa nezvake. Zvino Simeoni akavakomborera ndokuti kuna Maria amai vake, “Chinzwai, mwana uyu akasarudzirwa kuputsika nokumuka kwavazhinji muIsiraeri nokuvazve chiratidzo chichapikiswa.” Chichaita kuti pfungwa dziri mumwoyo yavazhinji dzizivikanwe. Nemiwo mwoyo wenyu uchabaiwa nebakatwa.

Verenga chikamu Ruka 2

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neRuka 2:21-35