Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:1-20

Ruka 2:1-20 SCLB

Namazuva iwayo kwakatemwa chirevo chakabva kuna Siza Agusuto, chokuti vanhu vapasi pose vanyorwe mazita avo. Uku ndiko kwaiva kunyorwa kwamazita kwokutanga kwakaitwa Kwiriniosi ari mutongi weSiria. Vanhu vose vakaenda kundonyorwa mumwe nomumwe kuguta rokwake. Zvino Josefi akabvawo Garirea muguta reNazareti achikwira kuJudhea kuguta raDhavhidhi rinonzi Bheterehemu, nokuti aiva wemba nowedzinza raDhavhidhi. Akaenda kundonyorwa iye naMaria waakanga achangobva mukuroora, akangawo ava napamuviri. Vachiri ikoko, mazuva ake okuti asununguke akakwana. Akasununguka dangwe rake, romwana mukomana waakaputira namachira ndokumuradzika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti vakanga vashaya nzvimbo muimba yavaeni. Mudunhu iroro makanga muina vafudzi kumafuro vairindira zvipfuwo zvavo usiku. Zvino mutumwa waTenzi akazviratidza kwavari. Kupenya kwaTenzi kukavakomberedza vakabva vabatwa nokutya kukuru. Asi mutumwa akati kwavari, “Regai henyu kutya nokuti ndakuunzirai shoko rakanaka rorufaro rukuru ruchava rwavanhu vose. Nokuti nhasi uno, muguta raDhavhidhi, mazvarirwa Muponesi, ndiye Kristu Tenzi. Chiratidzo chamuchamuziva nacho ndechichi chokuti muchandowana mucheche akaputirwa namachira akaradzikwa muchidyiro chezvipfuwo.” Pakarepo boka guru rehondo yedenga rakamira pamwe nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti, “Mbiri kuna Mwari kumusorosoro, pasi pano rugare ruve kuvanhu vaanofarira.” Kuzoti vatumwa vaye vabva pavari, vachienda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehemu tindoona zvaitika izvi zvataziviswa naTenzi.” Vakaenda vachikurumidza vakasvikowana Maria naJosefi, uyezve mucheche arere muchidyiro chezvipfuwo. Kuzoti vafudzi vaona mwana vakatanga kurondedzera zvavakanga vataurirwa nezvemwana uyu. Vose vakanzwa izvi vakashamiswa kwazvo nezvavakataurirwa navafudzi. Asi Maria akapfundira zvinhu zvose izvi mumwoyo make achinyatsozvifungisisa. Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pazvose zvavakanga vanzwa nezvavakaona sokuudzwa kwavakaitwa.

Verenga chikamu Ruka 2