Paakaswedera kuJeriko, rimwe bofu rakanga rigere parutivi rwenzira richipemha parakanzwa mhomho yavanhu ichipfuura, rakabvunza kuti, “Kwauyei?” Vakati kwaari, “Jesu weNazareti ari kupfuura nepo.” Iye akashevedzera achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vakanga vari mberi vakamutsiura vachimuti anyarare asi iye akatoshevedzera zvakatonyanya achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati ngaauiswe kwaari. Paakasvika pedyo, akamubvunza achiti, “Chii chaunoda kuti ndikuitire.” Akati, “Tenzi itai kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona zvako. Chitendero chako chakuponesa.” Pakarepo akabva avakuona akatevera Jesu achirumbidza Mwari. Vanhu vose pavakazviona vakarumbidza Mwari.
Verenga chikamu Ruka 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 18:35-43
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo