Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 15:11-16

Ruka 15:11-16 SCLB

Akatizve, “Kwaiva nomumwe murume aiva navanakomana vaviri. Muduku akati kuna Baba vake, ‘Baba, chindipai mugove wenhaka yangu.’ Baba vakakamuranisa zvinhu zvavo zvavairarama nazvo pavanakomana vaya. Kusati kwambopera mazuva akawanda, munun'una akaunganidza zvinhu zvake zvose ndokupinda murwendo rwokuenda kunyika iri kure kure. Ikoko akandoparadza zvinhu zvake zvose zviya muupenyu hwounzenza. Paakapedza kudya zvose, kwakamuka nzara huru munyika iyoyo. Naiyewo akatanga kushaiwa. Akaenda akandozvipereka mumaoko omumwe mugari wenyika iyoyo. Iye akamutumira kuminda yake kuti apote achipa nguruve chokudya. Angadai akatofara kudya mateko aidyiwa nenguruve asi hapana kana akamupa kana chinhu zvacho.

Verenga chikamu Ruka 15