Panguva iyoyo pane vamwe vakanga varipo vakataurira Jesu nezvavaGarirea vane ropa rakasanganiswa nezvibayiro zvavo naPirato. Akavapindura achiti, “Munofunga kuti vaGarirea ivavo vakanga vari vatadzi kupfuura vamwe vaGarirea vose here zvavakatambudzika kudaro? Ndinoti, ‘Kwete.’ Asi imi mukarega kutendeuka muchapararawo mose saizvozvo. Kana vaya gumi navasere vakawirwa neshongwe yomuSirowamu ikavauraya; munofunga kuti vakanga vari vatadzi kupinda vamwe vose vaigara muJerusaremu here? Ndinokutii, ‘Kwete.’ Asi imi, mukasatendeuka muchapararawo mose saizvozvo.” Jesu akavataurira muenzaniso uyu, achiti, “Mumwe munhu akanga ane muonde wakasimwa mubindu rake ramagirepisi. Akauya achitsvaka muchero pauri akaushaya.” Akati kumurimi wamagirepisi. “Tarisa uone, kwamakore matatu aya ndakauya ndichitsvaka muchero pamuonde uyu asi hapana chandinowana. Uteme. Ungatambisirei zvawo ivhu.” Iye akamupindura achiti, “Chimbouregai zvenyu, changamire, kwegore rinozve, kusvikira ndautimbira uye ndauisa mupfudze.
Verenga chikamu Ruka 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 13:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo