Nenguva iyo vamwe vakanga varipo vakamuudza shoko ravaGariria vakanga vavenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato. Akapindura, akati kwavari, “Munoti vaGariria avo vakanga vari vatadzi here kupfuura vaGariria vose, zvavakatambudzika saizvozvo? Ndinokuudzai, kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurawa saizvozvo. Kana vaya vane gumi navasere, vakawirwa nesvingo yeSiroami, ikavauraya, munoti vakanga vane mhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusaremu here? Ndinokuudzai, kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurawa saizvozvo.” Zvino akataura mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga ano muonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemidzambiringa; akauya achitsvaka muchero kwauri, akaushayiwa. Ipapo akati kumurimi womunda wemidzambiringa, ‘Tarira, ndauya makore matatu ndichitsvaka michero pamuonde uyu, ndikaushayiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?’ Akapindura, akati kwaari, ‘Ishe, muuregei henyu nhaka, kusvikira ndichiurimira, nokuuisa mupfudze
Verenga chikamu Ruka 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 13:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo