Chimbofungai nezvamaruva amariri kuti anokura sei. Haabinduki nebasa kana kuruka; asi ndinokutaurirai kuti kunyange Soromoni nembiri yake yose iya akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Zvino kana Mwari achipfekedza uswa hupenyu musango nhasi uno asi mangwana acho huchikandwa muchoto, ko kutozoti imi! Anokupfekedzai zvakadii, inga muri vanhu vechitendero chidiki! “Regai kuti mwoyo yenyu irambe iri pakutsvaka zvokudya, kuti muchadyei kana kuti muchanwei kana kuzvitambudza mwoyo. Marudzi ose apasi pano ndizvo zvavanotsvaka izvozvo. Baba venyu vanozviziva kuti munozvida. Asi imi tsvakai umambo hwake zvinhu izvozvi zvichavawo zvenyu. “Musatye henyu imi veboka diki nokuti Baba venyu vanotoda kwazvo kukupai umambo. Tengesai zvamuinazvo mupe zvipo kuvarombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari noupfumi kudenga husingaperi kusina mbavha inosvika kana chipfukuto chinoparadza, nokuti panenge pane upfumi hwako ndipo pane mwoyo wakowo.
Verenga chikamu Ruka 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 12:27-34
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo