Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 12:22-26

Ruka 12:22-26 SCLB

Jesu akati kuvadzidzi vake nezvo ndinokutaurirai kuti, “Musazvidye mwoyo nezvoupenyu hwenyu kuti muchadyei kana nezvomuviri wenyu kuti muchapfekei nokuti upenyu hukuru pane chokudya uye muviri mukuru pane chokupfeka. Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri? Iye ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo. Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi?

Verenga chikamu Ruka 12