Gungano ravanhu parakanga richimuti ungaunga akatangisa kuti, “Chizvarwa ichi chizvarwa chakaipa. Chinotsvaka chiratidzo asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chaJona. Nokuti sezvakaita Jona kuva chiratidzo kuvanhu veNinivhe, ndizvozvo zvichaita Mwanakomana womunhu kuchizvarwa ichi. Mambokadzi wokuMaodzanyemba achasimuka achipa mhosva varume vechizvarwa ichi nokuti akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pane mukuru kupinda Soromoni. Varume veNinivhe vachasimuka padare vachimirisana nechizvarwa ichi vachichipa mhosva nokuti vakapinduka asika pano pane mukuru kupinda Jona. “Hakuna munhu anoti kana abatidza mwenje anouisa mudura kana kuukwidibira netswanda asi anouisa pachigadzikiro kuti vanopinda vaone chiedza. Ziso rako ndiro mwenje womuviri wako, zvino kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uzere chiedza. Kana risinawo kunaka muviri wako uzere nerima. Ipapo ngwarira kuti chiedza chako chirege kuva rima. Zvino kana muviri wako wose uzere chiedza usina pane rima unenge wakajeka wose zvawo sezvinoita rambi rinokupa chiedza nemwenje waro.” Paakanga achiri kutaura, mumwe muFarisei akamukoka kundodya naye. Naizvozvo akaenda akandogara naye pakudya. MuFarisei akashamiswa kuona kuti Jesu haana kutanga ashamba asati adya. Tenzi akati kwaari, “Imi vaFarisei, munosuka mukombe nendiro kunze asi mukati menyu muine upambi nouipi. Imi mapenzi, iye akaita kunze haana kuitawo mukati here? Ipai zvipo zvenyu zvichibva mukati menyu, zvose zvichava zvakachena kwamuri. Asi zvichakuwanai imi vaFarisei nokuti munobvisa chegumi patunhuwo zvatwo twakaita semindi neru netumirio asi imi musina hanya noruenzaniso norudo naMwari. Izvi ndizvo zvamaifanira kunge muchiita musingarege zvenyu kuita zvimwe. Zvichakuwanai zvenyu imi vaFarisei nokuti munoda chigaro chapamusoro mumasinagogu uye kukwaziswa pamisika. Zvichakuwanai zvenyu nokuti makaita samakuva asingaoneki, vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.” Rimwe gweta rakati kwaari, “Mudzidzisi mukutaura izvi muri kutotitukawo.” Iye akati, “Zvichakuwanaiwo iyemi nyanzvi dzomutemo nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema kutakura asi imi pachenyu hamutakuri mitoro iyoyo kunyange nomunwe wenyu chaiwo. Zvichakuwanai zvenyu nokuti munovaka makuva avaporofita vakauraiwa namadzibaba enyu. Nezvo muri zvapupu uye munobvumirana nezvakaitwa namadzibaba enyu nokuti ivo vakavauraya; imi munovaka makuva avo. Saizvozvo, Mwari, noungwaru hwake, akati, ‘Ndichavatumira vaporofita navapositori.’ Vamwe vachavauraya vachivatambudza kuti ropa ravaporofita vose rakadeurwa kubvira pamavambo enyika ripfukire chizvarwa chino, kubvira kuropa raAbhero kusvika kuropa raZakariya akauraiwa pakati peatari nenzvimbo inoera. Ndizvozvo chaizvo, zvandinokutaurirai, richapfukira chizvarwa chino. Zvichakuwanai imi magweta nokuti makabvisa kii yoruzivo. Imi hamuna kupinda uye makadziviridza vaida kupinda.” Paakanga ava kubva ipapo nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakatanga kumuomesera kuti vamunzwe mukanwa panezvinhu zvakawanda, vakamuhwandira kuti vamubate pane chimwe chezveanenge ataura.
Verenga chikamu Ruka 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 11:29-54
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo