Sezvo vazhinji vakaita basa rokunyora rondedzero yezvinhu zvakaitika pakati pedu, sokuzvigamuchidzwa kwatakaitwa navaya vakanga vazviona nemeso kubvira pakutanga kwazvo, uyezve vari vaparidzi veshoko, neniwo, mushure mokunyatsotsvagisisa zvinhu zvose nemazvo, kubvira kumavambo azvo, ndakazviona chiri chinhu chakanaka kuti, ndikunyorerei rondedzero yazvo yakakwana, imi vaTeofiro vanoremekedzwa, kuti munyatsoziva idi rezvinhu zvamakadzidziswa.
Pamazuva aHerodhi, mambo weJudhea, kwaiva nomumwe mupristi ainzi Zakariya wegovero raAbhiya. Aiva nomudzimai akanga ari wedzinza raAroni, zita rake ainzi Erizabheti. Vakanga vakarurama pamberi paMwari vose vari vaviri, vasina chinoshoreka pakutevedza zviri pamitemo nepamirao yaTenzi. Asi vakanga vasina mwana nokuti Erizabheti akanga ari mhanje, uyezve, vose vari vaviri vakanga vachembera. Zvino Zakariya zvaakanga achiri kuita basa roupristi pamberi paMwari, janha regovero rovokwake, samaitiro avapristi, ndivo vakabatwa nomujenya wokuti vapinde munzvimbo Inoera yeTemberi kundopisa rusenzi. Gurumwandira ravanhu rakanga richinamata kunze panguva yokupisira rusenzi. Pakarepo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akamira nechokurudyi rweatari yorusenzi. Zakariya zvaakamuona akavhunduka, akabatwa nokutya. Asi mutumwa waTenzi akati kwaari, “Rega zvako kutya, Zakariya, nokuti munamato wako wakanzwika. Mudzimai wako, Erizabheti achakuberekera mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Johani.
“Iwe uchazofara nokupembera,
vazhinji vachazofarirawo kuberekwa kwake,
nokuti achava mukuru pamberi paTenzi;
haachazonwi waini kana doro rinodhaka,
achazadzwa naMweya Mutsvene
kubvira achiri munhumbu maamai vake.
Achazodzorera vazhinji vavaIsiraeri
kuna Tenzi Mwari wavo.
Achafamba pamberi paTenzi
aina mweya nesimba raEriya
kuti awadzanise madzibaba navana vavo;
nokudzorera vasingateereri kuhungwaru hwavakarurama,
kuti nhadzirire Tenzi vanhu vakamugadzirira.”
Zakariya akati kumutumwa, “Ndingazive seiko zvinhu izvi? Ini ndakwegura uye mudzimai wangu achembera?” Mutumwa akamuti, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari, ndatumwa naTenzi kuti nditaure newe nokukuparidza shoko iri rakanaka.
“Chinzwa, uchava chimumumu, usingagoni kutaura kusvikira musi wazvichaitika, nokuti hauna kutenda zvandakuudza, izvo zvichazoitika nenguva yazvo.” Izvozvo vanhu vakanga vakangomirira Zakariya, votoshamiswa kwazvo kuti chii chamunonotsa kudai muTemberi. Zvino akati abuda, haana kugona kutaura kwavari. Vanhu ndokubva vaziva kuti aona chiratidzo muTemberi. Akatoita zvokuvaninira maoko, ndokuramba angove chimumumu. Kuzoti mazuva ebasa rake apera, akadzokera kumusha kwake. Shure kwaizvozvi, mudzimai wake Erizabheti akava napamuviri akazvivanza kwemwedzi mishanu, achiti, “Ndozvandakaitirwawo naTenzi pamazuva aakandiringa kuti andibvise nyadzi pamberi pavanhu.”
Nomwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuguta reGarirea rinonzi Nazareti, kumhandara yakanga ichangoroorwa nomurume ainzi Josefi, wemba yaDhavhidhi; zita remhandara iyi rainzi Maria. Mutumwa akauya kwaari akati, “Kwaziwa iwe wakakomborerwa, Tenzi anewe.” Zvakamukangaidza zvikuru kunzwa zvakadai, akashamiswa nazvo kuti kwaziso iyi inoreveyi. Mutumwa waMwari ndokupindura oti, “Usatye zvako Maria, nokuti Mwari afadzwa zvake newe. Chinzwa, uchava napamuviri pauchapona mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Jesu. Iye achava mukuru–mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. Tenzi Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi. Achatongawo imba yaJakobho narini narini.” Uyezve umambo hwake hauchazogumi. Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?” Mutumwa ndokumupindura achiti, “Mweya Mutsvene achakuburukira, simba roWokumusorosoro richakufukidza. Naizvozvo mwana wauchapona achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari. Chiona kuti kana hama yakowo Erizabheti, kunyange zvake achembera atova napamuviri pomwana mukomana; mwedzi uno watove mwedzi wechitanhatu kune munhu wainzi imhanje. Nokuti pana Mwari hapana chisingagonekwi.” Maria akati, “Onai ndiri murandakadzi waTenzi, ngazviitwe kuneni sokureva kwenyu.” Mutumwa ndokubva omusia oenda zvake.
Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kune rimwe guta rokwaJudha. Akapinda mumba maZakariya, akakwazisa Erizabheti. Erizabheti, paakanzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akabva akwakuka mudumbu make. Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene, ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu. Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu. Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu.
“Makakomborerwa zvenyu, nokuti makatenda kuti zvakataurwa kwamuri, zvichibva kuna Tenzi, zvichazoitika.”
Maria ndokubva atiwo;
“Ini ndinokurumbidzai, Tenzi, nemwoyo wangu wose,
mweya wanguwo unopembera norufaro
Mwari Muponesi wangu.
Nokuti akarangarira iniwo zvangu
murandanhando wake.
Chionai kuti kubvira zvino,
zvizvarwa zvose zvavanhu zvichanditi;
‘Wakakomborerwa,’
nokuti iye Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru,
zita rake rinoera.
Anonzwira tsitsi vanomutya,
kubvira kuchizvarwa nechizvarwa.
Akaita zvina masimba noruoko rwake,
akaparadza vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.
Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo zvoushe,
achisimudzira pamusoro vakazvirereka.
Vane nzara akavagutsa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi akavaendesa vasina chavanacho.
Akarangarira tsitsi dzake
akabatsira Isiraeri muranda wake.
Sokutaura kwaakamboita kumadzitateguru edu,
kuna Abhurahamu nezvizvarwa zvake, nokusingaperi.”
Maria akazogara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu, ndokuzodzokera hake kumusha kwake.