Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mupiro 9

9
Aroni anopira zvibayiro kuna Mwari
1Pazuva rorusere Mosesi akakokera Aroni navanakomana vake, navakuru vakuru vavaIsiraeri kuti vauye, 2akati kuna Aroni, “Zvitorere chimhuru chomukono yomupiro wokupfupira zvitadzo, nehondohwe yomupiro wokupisa, dzose dziri mbiri ngadzive dzisina chinoshoreka padziri, udzipire kuna Tenzi, 3utaurire vaIsiraeri kuti, ‘Torai gotora romupiro wokupfupira zvitadzo nemhuru, nehwayana dzose dziri mbiri dzive dzine gore rimwechete, dzisina chinoshoreka padziri dzomupiro wokupisa.’ 4Mutorewo nzombe nehondohwe zvomupiro wokuwadzana, zvokubayira kuna Tenzi pamwechete nomupiro wembesanwa wakasanganiswa nemafuta, nokuti nhasi uno Mwari achazviratidza kwamuri.”
5VaIsiraeri vakaunza zvose zvakarayirwa naMosesi kumusuo wetendhe rokusanganira, vose vakauya vakasvikomira pana Tenzi. 6Mosesi akati, “Izvozvi ndizvo zvakanzi naTenzi muite. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kuchazviratidza kwamuri.” 7Mosesi akati kuna Aroni, “Chienda kuatari upire mupiro wako wokupfupira zvitadzo, nomupiro wako wokupisa upfupire zvitadzo zvako, nevemba yako,#9:7 Nevemba yako: MuchiHebheru panoti nezvavanhu zvichireva vanhu vemba yake. upirire vanhu mupiro, sokureva kwaTenzi.”
8Aroni akaenda kuatari akandouraya chimhuru chomupiro wokupfupira zvitadzo zvake. 9Vanakomana vaAroni vakamuigira ropa rayo. Akanyika munwe wake muropa iroro akarizora pane zvinenge nyanga zviri paatari, akateurira ropa iroro nechapasi peatari. 10Mafuta ayo neitsvo nechinyama chapachiropa zvomupiro wokupfupira zvitadzo akazvipisa paatari sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. 11Nyama nedehwe rayo akandozvipisa nomoto kunze kwematendhe.
12Aroni akauraya chibayiro chomupiro wokupisa. Vanakomana vake vakamuigira ropa racho akarisasa pamativi ose eatari. 13Vakamugamuchidza chibayiro chomupiro wokupisa, chidimbu nechidimbu chacho, nomusoro wacho akazvipisa paatari. 14Akasuka zvomukati namazondo akazvipisa paatari pamwechete nomupiro wokupisa. 15Akauya nomupiro wavanhu. Akatora mbudzi iyoyo yavanhu yezvitadzo, akaiuraya achiipira kupfupira zvitadzo, seyokutanga iya. 16Akaunzazve chibayiro chomupiro wokupisa akachipira maererano nezviri pamurao. 17Akauya noupfu hwomupiro wembesanwa, akanokora chanza chizere chahwo, akapisa paatari, kunyange zvazvo kwainge kwapirwa mupiro wokupisa wamangwanani. 18Akauraya nzombe iya nehondohwe iya, zvibayiro zvemipiro yokuwadzana yavanhu, vanakomana vaAroni vakamuvigira ropa, akarisasa pamativi ose eatari. 19Mafuta enzombe neehondohwe pamwechete nomuswe wayo wakakora namafuta akaputira zvomukati, netsvo, nechinyama chepachiropa 20akaisawo mafuta pamusoro pezvityu, akapisa paatari. 21Asi zvityu nechidya chokurudyi akazvisimudzira somupiro kuna Tenzi sezvakanga zvarehwa naMosesi.
22Aroni akasimudzira maoko ake kuvanhu, akavapa chikomborero, akaburuka paaipira mupiro wokupfupira zvitadzo, nomupiro wokupisa nomupiro wokuwadzana. 23Mosesi naAroni vakapinda mutendhe rokusanganira, pavakabudamo vakapa vanhu chikomborero, kupenya kwokuvapo kwaTenzi kukaonekwa navanhu vose. 24Pakarepo moto wakabva kuna Tenzi ukaroromesa mupiro wokupisa pamwechete namafuta aiva paatari. Vanhu vose pavakazviona vakadaidzira vakati pasi zvambarara.

Zvasarudzwa nguva ino

Mupiro 9: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda