Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mupiro 21

21
Kuera kwavapristi vaMwari
1Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vapristi vanakomana vemhuri yokwaAroni kuti, ‘Hapana anofanira kun'oreswa nezvitunha pakati pevekwake, 2kunze kwokutoti chiri chitunha chehama yake yomumba. Vangave amai kana baba vake, kana kuti mwana wake mukomana kana musikana, kana mukoma kana munu'una vake, 3kana hanzvadzi yake mhandara, womumba, asati aroorwa, pamusana pake angazvin'orese zvake.’ 4Iye somutungamuriri wavanhu ngaarege kuzvin'oresa. 5Havafanire kuveura musoro yavo vachizviita mhanza kana kugera ndebvu dzaparushaya, kana kuzvicheka muviri. 6Vachava vanhu vaMwari, vatsvene, havafanire kusvibisa zita raMwari wavo nokuti ndovanopira mupiro inoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi, nechokudya kuna Mwari saka vanofanira kuva vanhu vatsvene. 7Ngavarege kuroora pfambi kana mukadzi akambokanganiswa kunyangwe mukadzi akarambwa nomurume wake, nokuti mupristi munhu mutsvene akatsaurirwa Mwari. 8Mubatei somunhu akateketerwa kwandiri nokuti ndiye anopira chokudya chinopirwa kuna Mwari. Kwamuri ngaave munhu akateketerwa kuna Mwari nokuti ini Tenzi ndinokuitai kuti muve vatsvene ndiri mutsvene. 9Kana mwanasikana womupristi upi noupi zvake akazviipisa achiita upfambi, atofumura baba vake ngaapiswe nomoto.
10“Mupristi anenge akazodzwa musoro namafuta kuva mupristi mukuru pakati pevokwake, iye akagadzwa kuti apfeke hanzu dzoupristi, haafaniri kurega vhudzi rake rakaiita jakuchichi kana kubvarura hanzu dzake 11kana kuzvin'oresa nokusvika pedyo nechitunha, chingave chitunha chababa kana chaamai vake. 12Haafanire kumbosiya nzvimbo inoera kana kun'oresa nzvimbo yaMwari wake inoera nokuti kuteketerwa kwaakaitwa kuna Mwari achizodzwa mafuta kuri paari, ndini Tenzi ndinodaro. 13Anofanira kuroora mhandara. 14Ngaarege kuroora chirikadzi, kana mukadzi akarambwa kana mukadzi akakanganiswa kana pfambi. Asi ngaaroore musikana achiri mhandara kune vokwake, 15kuti vana vake varege kuva vana vakan'ora pakati pevokwake. Ini Tenzi ndini ndinomuita kuti ave mutsvene.”
16Tenzi akati kuna Mosesi, 17“Taurira Aroni kuti, ‘Pazvizvarwa zvako zvose hapana munhu womhuri yekwako ane pakaremara anobvumirwa kuuya nechokudya kuzopira Mwari.’ 18Ndinodaro nokuti hakuna munhu ane pakaremara anobvumirwa kupirira vanhu mipiro angave bofu kana mhetamakumbo, kana ane chakaremara pauso kana pamuviri wake, 19kwouya akatyoka ruoko kana gumbo, 20kana ane nhutwa, kana mandionerepi, kana ane chirwere chamaziso kozoti ane chirwere chezvisasa kana chemhezi kana munhu akagadzirwa. 21Hakuna munhu wemhuri yokumupristi Aroni ane pakaremara anobvumirwa kuuya kuzopirira vanhu mipiro inoita zvokupiswa nomoto kuna Tenzi. Ane pakaremara haabvumirwi kuzopirira vanhu chokudya chinopirwa kuna Mwari wake 22Munhu akadaro anobvumirwa zvake kudya chingwa chaMwari wake chemipiro inoeresesa kana yezvinhu zvinoera. 23Asi haabvumidzwe kuenda seri kwejira rokudzikatirisa kana kusvika pedyo neatari nokuti ane pakaremara angan'orese nzvimbo dzangu dzinoera. Ini Tenzi ndini ndinovaita kuti vave vanhu vatsvene.”
24Ndizvo zvakataurwa naMosesi kuna Aroni navanakomana vake nokuvanhu vose veIsiraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Mupiro 21: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda