Mupiro 12
12
Kuchenurwa kwevanhukadzi vanenge vasununguka
1Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Udza vaIsiraeri kuti, 2‘Kana munhukadzi akabata pamuviri, akapona mwana mukomana, achava munhu akan'ora kwamazuva manomwe, sezvaanongoita kana ari panguva yake yokutevera achava akan'ora.’ 3Pazuva rorusere, mwana iyeyo ngaadzingiswe. 4Zvinotora makumi matatu emazuva ane mazuva matatu kuti makadzi iyeyo achenurwe pauzvere hwake. Ngaarege kubata chinhu chinoera kana kupinda mutendhe rinoera kusvikira mazuva okuchenurwa kwake apera. 5Kana mudzimai apona mwana womusikana achava munhu akan'ora kwamazuva gumi namana, sezvinoita mukadzi kana ari panguva yake yokutevera. Zvinotora makumi matanhatu emazuva ane mazuva matanhatu kuti mukadzi iyeyo achenurwe pauzvere hwake.
6“Kana mazuva okuchenurwa kwake apera mukadzi akapona mwana mukomana kana musikana, ngaaunze kumupristi kumusuo wetendhe rokusanganira hwayana ine gore rimwechete yomupiro wokupisa, naman'ana ehangaiwa kana njiva yemupiro wokupirira zvichitadzo. 7Mupristi ngaapire kuna Tenzi mupiro wokupfupira zvitadzo zvomukadzi iyeyo, achabva achenurwa pauzvere hwake. Iwoyu ndiwo mutemo wezvemukadzi anenge asununguka mwana mukomana kana musikana. 8Kana asingakwanisi kuwana hwayana, ngaauye nenjiva mbiri, kana man'ana ehangaiwa. Imwe ngaive yemupiro wokupisa, imwe yacho ive yomupiro wokupfupira zvitadzo. Ipapo mupristi ngaapire kuna Mwari mupiro wokupfupira zvitadzo zvomukadzi iyeyo, achabva achenurwa.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mupiro 12: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.