Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuungudza 5:1-22

Kuungudza 5:1-22 SCLB

Yeukai, Tenzi zvakatiwira, mutarisewo zvenyu muone kunyadziswa kwedu. Nhaka yedu yashanduka yava yavatorwa, dzimba dzedu dzava dzamabvakure. Taita senherera dzisina baba; vanaamai vedu vaita sechirikadzi. Tavakutobhadhara mvura yatinonwa, huni dzatinowana totoita dzokutenga. Nejoko redu pamutsipa iwe, tinochairwa zvakaomarara uye taneta, zororo hatipiwi. Takaombera maoko isu kuvaIjipiti nokuvaAsiria kuti tiwane chokudya chakakwana. Madzitateguru edu akatadzira Mwari zvino havachisipo; asi isu ndisu tava kutakura mutoro wouipi hwavo. Tava kutongwa isu navaranda, wokutinunura kwavari hapana. Chokudya chedu tinochiwana nenhamo. Pamusana pehondo yebakatwa inobva kurenje'ku. Ganda redu ratumha kupisa sehovhoni pamusana pokupisa kwaita nzara. Vakadzi vari kubhinywa muZioni'mu, mhandara dzichibatwa chibharo mumaguta okwaJudha. Machinda ari kurembedzwa akasungirirwa maoko; vakuru-vakuru rukudzo havachapiwaba. Majaya vanofondokeswa naro basa pamakuyo, vakomana vachidhadharika nawo masvinga ehunhi. Harahwa matare dzakaasiya vechidiki vakasiyawo zvokuimba. Rufaro rwatibva mumwoyo; kudzana kwedu kwasanduka kukava kuchema. Ndaza yakudubuka mumusoro medu; hamhenoka zvedu iyesu nokutadzira Mwari kwedu ikoku. Pamusana pazvo tinorwadziwa mwoyo, pamusana paizvozvo maziso tavakuonera madzerere. Guta reZioni rangove guta, ndomava mumusha memakava. Asi imi Tenzi munotonga nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chinoramba chiripo kwezvizvarwa nezvizvarwa. Munotikanganwireiko nokusingaperi munotirasireiko kwenguva yakareba kudai? Tidzorerei kwamuri Tenzi kuti tidzokere pakare. Vandudzai mazuva edu ave sakare. Kana kuti mabva matiramwa zvachose here; uye hasha dzenyu dzakanyanyisa here?

Verenga chikamu Kuungudza 5