Joshuwa 8
8
D: KUKUNDWA NOKUPARADZWA KWEGUTA REAI
1Tenzi akataurira Joshuwa achiti, “Usatye kana kuzeza, tora vanhu vehondo vose vaunavo usimuke ukwire kuAi. Zviripo ndezvizvi, ndaisa mumaoko ako mambo wokuAi navanhu vake, neguta rake nenyika yake. 2Zvawakaita kuguta reJeriko namambo waro, ndozvauchaita kuguta reAi namambo waro. Asi torai zvenyu zvinhu zvomo nemombe zvamunenge mapamba zvive zvenyu. Itai zvokurihwandira necheshure kwaro.”
3Joshuwa akasimuka aine varwi vehondo vose, vakakwira kuguta reAi. Joshuwa akasarudza zviuru makumi matatu zvavarwi, vano vakasimba chaizvo akavatumako nousiku. 4Akavaudza achiti, “Endai mundohwandira guta iroro necheshure kwaro. Regai kundova kure kure neguta, asi garai makagadzirira. 5Ini navanhu vandinavo tichafamba kusvika paguta iroro. Pavachabuda kuzotirwisa sezvavakamboita tichavatiza. 6Ivo vachatidzingirira kusvikira tavakwezvera kunze kweguta nokuti ivo vachati, ‘Vari kutitiza sapakutanga paya.’ Saka isu tichavatiza, imi mosimuka pamunenge manga makahwanda paya 7muchindotora guta iroro nokuti Tenzi, Mwari wenyu achariisa mumaoko menyu. 8Kana matora guta iroro ripisei nomoto muite zvatakaudzwa naTenzi. Chinzwai, ndiri kutokutumai izvozvi.” 9Joshuwa akavati vachienda. Ivo ndokubva vaenda kunzvimbo yavo yokuhwanda iri pakati peBhetieri neAi, kuri kumadokero kweAi. Asi Joshuwa akarara usiku ihwohwo ari mukati mavanhu.
10Joshuwa akafumomuka akaunganidza vanhu vachibva vakwira kuenda kuAi, iye navakuru vakuru vavaIsiraeri vakatungamira pamberi pavanhu. 11Varwi vehondo vose vaakanga anavo vakaendako vakasvika pedyo neguta, vakadzika matendhe avo kuchamhembe kweAi. Pakati pavo neguta irori paiva nenhika yakadzika. 12Akatora varume vainge zviuru zvishanu, akavati vahwande vari pakati peBhetieri neguta reAi kumadokero kweAi. 13Saka vakaronga varwi, vakaisa boka ravo guru nechokuchamhembe kweguta iroro, rimwe boka ravo reshure kumadokero kweguta iroro. Asi usiku ihwohwo Joshuwa akarara ari munhika muya. 14Mambo weguta reAi paakaona izvi iye navanhu vake vose vomuguta imomo vakabuda, vakamhanyira kumateru, vakananga kugan'a reArabha, vachida kundorwisana navaIsiraeri ikoko. Asi haana kuziva kuti kuseri kweguta irori kwaiva navakanga vakamuhwandira. 15Joshuwa navaIsiraeri vose vakaita sokunge vakundwa navo, ndokutiza vakananga kurenje. 16Vanhu vose vaiva muguta iri vakakokorodzwa kuti vavadzingirire. Vachidzingirira Joshuwa kudaro vakatenge vachikwezverwa kure neguta. 17Hakuna murume akasara ari muguta reAi kana muBhetiere asina kundodzingirira vaIsiraeri. Vakasiya guta iri rakashama vachitandanisa vaIsiraeri.
18Tenzi ndokuti kuna Joshuwa, “Tondeka kuguta reAi nepfumo riri muruoko rwako nokuti ndichaisa guta irori mumaoko ako.” Joshuwa akanongedzera kuguta iroro nepfumo raiva muruoko rwake. 19Joshuwa paakangosimudza ruoko rwake, vaya vakanga vakahwandira, vakabva vasimuka pavakanga vari nokukurumidza. Vakamhanya, vakapinda muguta, rikabva rava mumaoko avo, vakachimbidza kuripisa. 20Zvino varume vokuAi vakati cheu, vakaona guta changova chamupwititi utsi, huchingotogoka mudenga. Zvakavapedza simba rokuti vatizire uku, kana uku nokuti vaya vokutizira kurenje vakadzoka kuzorwisa vaivadzingirira vacho. 21Kuzoti Joshuwa navaIsiraeri vose vaona kuti guta riya rava mumaoko avaya vakanga vakahwandira, uye kuti guta rakanga rangova utsi chete mudenga, vakabva vadzoka kuzouraya varwi veAi. 22VaIsiraeri vokupinda muguta vaya vakavabudirawo, saizvozvo ivo vakanga vava pakati, vachiti uku vaIsiraeri uku vaIsiraeri. VaIsiraeri vakavauraya zvokuti hakuna akasara ari mupenyu kana akapunyuka. 23Asi vakabata mambo weAi ari mupenyu vakaenda naye kuna Joshuwa.
24Kuzoti vaIsiraeri vapedza kuuraya vagari vose vokuAi kugan'a kuya kurenje kwavakanga vachivadzingira, vapedza kuuraya munhu wose zvake nebakatwa, vaIsiraeri vose vakadzokera kuAi vakandouraya vose vaivamo namapakatwa. 25Pazuva iroro vanhu vose vokuAi vakaurayiwa vaiva zviuru gumi nezviviri zvavanhu varume navakadzi, 26nokuti Joshuwa haana kudzosa ruoko rwake ruya rwaiva rwakabata pfumo kusvikira aparadza vagari vose vomuAi. 27VaIsiraeri chavakangotora chete imombe nezvinhu zvomuguta iroro zvavakapamba, sokutaurirwa kwakanga kwaitwa Joshuwa naTenzi. 28Saka Joshuwa akapisa Ai, rikasara rangova murwi kusvikira narini wose sezvariri nanhasi uno. 29Akasungirira mambo weAi mumuti kusvikira manheru. Kuzoti zuva rodoka Joshuwa akaudza vanhu zvokuita, vanhu vakaturura chitunha chake mumuti vakachikanda panzira, pasuo guru reguta iroro, ndokubva vatutira murwi mukuru wamatombo pamusoro pacho. Pari nhasi murwi iwoyo uchiripo.
E: JOSHUWA ANOVERENGERA VAISIRAERI MITEMO PAGOMO REEBHARI
30Joshuwa akavakira Tenzi Mwari wavaIsiraeri atari pagomo reEbhari 31sokuudzwa kwakaitwa vaIsiraeri naMosesi muranda waTenzi, sokunyorwawo kwazvakaitwa mubhuku raMosesi remitemo zvichinzi, “Inofanira kuva atari yamatombo asina kuvezwa nesimbi,” vakapira Tenzi zvibayiro zvemipiro yokupisa neyokuwadzana. 32Ipapo vanhu vechiIsiraeri vachiona kudaro Joshuwa akanyora pamatombo mutemo uya waMosesi waakanga anyora. 33VaIsiraeri vose zvavo, vatorwa pamwechete nezvidza zvomo, pamwechete navakuru vakuru vavo, namakurukota avo, navatongi vavo, vakandomira vakati vamwe uku, vamwe uku kumativi ebhokisi rechitenderano vakatarisana navapristi vaRevhi vokutakura bhokisi raTenzi rechitenderano. Chimwe chikamu chavo chakandomira pamberi pegomo reGerizimu, chimwe chikandomira pamberi pegomo reEbhari sokuudzwa kwavakanga vaitwa naMosesi muranda waTenzi pakutanga kuti vanofanira kupa vaIsiraeri chikomborero. 34Shure kwaizvozvo, akaverenga mazwi ose omutemo okukomborera munhu, nookupinza munhu murushambwa maererano nezvose zvakanyorwa mubhuku romutemo. 35Hakuna chinhu pane zvose zvakanga zvakataurwa naMosesi chisina kuverengwa naJoshuwa kugungano rose ravaIsiraeri, navakadzi navana navatorwa vaigara navo.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 8: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.