Guta reJeriko rakanga ranyatsonzi ndendende kupfigwa mukati nokunze pamusana pavaIsiraeri. Hakuna aibudamo kana kupindamo. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Chinzwa, ndaisa Jeriko mumaoko ako zvose namambo waro navarwi varo vehondo vakasimba. Varwi vose vehondo munofanira kufamba muchitenderera guta irori, muritenderere kamwechete. Ndozvamuchaita kwamazuva matanhatu. Vapristi vanomwe vachange vane hwamanda dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi rechitenderano. Pazuva rechinomwe forai muchitenderera guta irori kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda. Pavanozoti rebesei kuridza hwamanda yorunyanga rwehondohwe pamunongonzwa hwamanda iyoyo, vanhu vose ngavazhambe nezwi guru. Rusvingo rweguta iri ruchakoromokera pasi kuti warara, munhu wose ngaabva ati karakata napakanangana naye.” Joshuwa mwanakomana waNuni akadaidza vapristi akavati, “Takurai bhokisi rechitenderano, vapristi vanomwe vatakure hwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi raTenzi.” Akati kuvanhu, “Chifambai muchitenderera guta iri, varume vakapakata zvombo zvehondo vaende mberi kwebhokisi raTenzi rechitenderano.”
Verenga chikamu Joshuwa 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshuwa 6:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo