VaIsiraeri vakabuda muna Jorodhani pazuva rechigumi romwedzi wokutanga, vakandodzika matendhe avo vava kuGirigari, kumuganhu wokumabvazuva weJeriko. Joshuwa akaronga matombo gumi namaviri iwayo avakatora muna Jorodhani kuGirigari. Akataurira vaIsiraeri kuti, “Kana mangwana, zvizukuru zvenyu zvozobvunza madzibaba azvo kuti, ‘Matombo aya anorevei?’ Ipapa izotaurira vana venyu kuti, ‘VaIsiraeri vakayambuka Jorodhani urwu napakaoma.’ Ndinodaro nokuti Tenzi, Mwari wenyu akakuomeserai mvura yaJorodhani kusvikira mayambuka, sezvakaitawo iye Tenzi, Mwari wenyu kugungwa Dzvuku raakatiomesera kusvikira tayambuka, kuitira kuti ndudzi dzose dzapasi pose dzigoziva kuti Tenzi ane simba guru kwazvo, uyewo kuti mutye Tenzi Mwari wenyu wose narini narini.”
Verenga chikamu Joshuwa 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshuwa 4:19-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo